Eboue odzoka munhabvu

31 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Eboue odzoka munhabvu Emmanuel Eboue

Kwayedza

AIMBOVE mutambi weArsenal, Emaanuel Eboue (35), anogona kudzoka munhabvu achitambira LA Galaxy, makore maviri apedzisira kutamba nhabvu.

Chizvarwa chekuIvory Coast ichi anoshuvira zvikuru kudzoka munhabvu zvichitevera kutemerwa zvirango kwaakaitwa neFIFA kuti asatambire Sunderland mugore ra2019 apo akanzi asatambe kwegore atadza kubhadhara mumiriri wake.

Nyaya dzehutano hwake dzakamutadzisa kuti atengwe nechikwata chekuCyprus, Ocagi Limasol gore radarika.

Mutambi uyu akasiiwa asina kana kobiri zvichitevera kurambana kwaakaita nemudzimai wake izvo zvakamudya chaizvo mupfungwa zvekusvika pakuda kuzviuraya.

Asi chikwata chekuMLS – LA Galaxy – chiri kuedza kuda kumudzora munhabvu, sekutaura kwenhau dziri kubva kuThe Sun.

Chikwata ichi chinoziva kuti ruzivo rwaanarwo rwenhabvu rwakakosha zvikuru.

Eboue ange asiri munhabvu kwemakore maviri, asi nguva yadarika akambotambira chikwata chemaArsenal Legends munaChikumi.

Achitaura neCanal gore rino, akati, “Chandinongoda chete kudzoka munhabvu nekuti ndichiri kukwanisa kutamba.

“Ndinogona kuenda kunzvimbo dzakaita seBaghdad kana Pakistan kuti ndingotamba chete. Handina basa nazvo kuti ndekupi.

“Ndinogara nemabhegi angu akarongedzwa nekuti pane mukana wekuti ndinogona kudzingwa mumba mangu.

“Handina munhu parutivi rwangu ari kundimirira mazuva ano. Ndingori ndega. Ndaimbofara chaizvo nevana vangu nemhuri yangu asi iye zvino ndave ndega.” – SportsMail Football

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>