Eco-school yekutanga muZim…Chikoro chekuHwange chonyora nhoroondo

28 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
Eco-school yekutanga muZim…Chikoro chekuHwange chonyora nhoroondo

Kwayedza

Leonard Ncube ari kuVICTORIA FALLS
CHIKORO cheSt Mary’s Primary School chiri kuHwange svondo rapera chakanyora nhoroondo apo chakaparurwa kuva chekutanga muZimbabwe kuva Eco-school.

Vana nevarairidzi vepachikoro ichi vanoshandisa makombiyuta, materevhizheni nedandemutande pakuita zvidzidzo pasina kusevenzesa zvakaita sezvinyoreso zvemachoko nema”black board”.

Chikoro ichi – icho chiri pasi pechechi yeRoman Catholic uye chakavakwa mugore ra1935 – chichave mucherechedzo wemadzidziro anoitwa kuburikidza neEco-School kune zvimwe zviri munyika muno pamwe nemudunhu reSouthern Africa.

Eco-School inzira inoita kuti vana vechikoro nevadzidzisi vavo vashandise makombiyuta pakufunda kubvira pagwaro reEarly Childhood Development (ECD) kusvika Fomu 4.

Vana vanokwanisa kudzidza zvakare pasina dandemutande (Internet) kuburikidza neinozivikanwa nekuti e-cloud.

Chirongwa ichi chakavepo zvichitevera rutsigirwo rwesangano reCanadian Organisation Learning for Humanity rakabatana neWorld Vision Canada.

Mari inosvika $220 000 yakashandiswa mukutenga makombiyuta 40 epachikoro ichi, materevhizheni 19 anove ma55-inch, maprojectors ane huwandu humwe chete nenhare dzemhando yematablets.

Pakudzidzisa, murairidzi anoshandisa tablet apo zvidzidzo zvinobuda paterevhizheni uye vana vanenge vari pamakombiyuta vachishandisa maheadphones kuti vanzwanane naticha.

Nerimwewo divi, mukuru wechikoro kana kuti vakuru vezvedzidzo semadistrict school inspector kana vachida kuona kuti murairidzi anenge achidzidzisa vana sei, vanongoenda padandemutande (online).

Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa ichi, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti Eco-school inoenderana nehurongwa hweHurumende hwekuvandudza dzidzo sechiono chemutungamiriri wenyika President Mnangagwa chekuti munyika munge mave nevanhu vane mabasa akati tsvikiti panosvika gore ra2030.

“Ruremekedzo rukuru kuuya kuno kuzovhura zviri pamutemo chirongwa chino cheE-learning icho anove mavambo erwendo rwakareba rwekuumba Zimbabwe yatinoda kuti vane vedu vave mairi.

“Chirongwa ichi chichabatsira zvikuru mukuzadzikisa chiono ichi uye vabereki vanofanirwa kutambira New Curriculum sezvo yakakosha mukuvandudzwa kweupfumi hwenyika,” vanodaro Prof Mavima.

Vanotenda sangano reWorld Vision nereLearning for Humanity mukutsigira kwavari kuita zvikoro nemakombiyuta izvo zviri kubatsira vana zvikuru.

“Hurumende iri kuita chirongwa chechimbi-chimbi chekuvandudza dzidzo munyika kuburikidza nekushandisa nzira itsva pakudzidza kwevana uye pazvikoro 9 000 zviri munyika yose, imi (St Mary’s Primary) mava nerombo rakanaka rekuve chikoro chekutanga cheEco-School,” vanodaro.

“Iye zvino chikoro chino chave nelibrary inoshandiswa makombiyuta nevana pakuverenga. Chirongwa ichi chichaita kuti pachikoro pano pauye mamwe makombiyuta 40 zvakare kututsira pane agara aripo, uye chimwe chinonyanya kufadza ndechekuti maticha anenge ave kushandisa materevhizheni kwete choko nemablack board.”

Vachitaura pagungano rimwe chete iri, VaPhilip Makutsa avo vanova World Vision Canada programme portifolio manager, vanoti Eco-school ine chinangwa chekuti vana vabudirire muupenyu hwavo.

“Tinonzwa mufaro mukuru kushanda pamwe chete neHurumende, chechi pamwe nechikoro uye tine idi rekuti ichi chichava mucherechedzo kune zvimwe zvikoro muZimbabwe nepasi rose.

“Tinoda kuti chirongwa ichi chipararire nyika yose. Tinodazve kudzidzisa vana kweupenyu hwavo hwose, dzidzo inofanira kuwanikwa zviri nyore, tichisimudzira kuwanikwa kwemabhuku ekuverenga pamwe nezvimwe zvinodiwa pakufunda,” vanodaro.

VaPhilip Baker, avo vanove chamangwiza wesangano reLearning for Humanity, vanoti pachikoro apa pachaitwa mamwe mabasa ebudiriro akawanda munaNdira gore rinouya.

Vanoti St Mary’s Primary ichashandiswa semucherechedzo wakanaka nezvimwe zvikoro zvekunze kwenyika izvo zvichange zvichishanya kuzoona budiriro yepo.

Mukuru wechikoro ichi, Mai Thokozile Ncube-Dube, vanoti Eco-school yatove kutaridza zvibereko zvinoonekwa uye vane chivimbo chekuti huwandu hwevana vavo vanopasa bvunzo dzeGrade 7 huchasimukira kubva pachikamu che60 percent apo pavari pari zvino.

St Mary’s Primary ine vana 833 nevadzidzisi 19 avo vakatofundiswa kuti vanodzidzisa vana sei pasi pechirongwa ichi.

Share This:

Sponsored Links