Uncategorized

Econet yogadzirisa First Street

16 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Econet yogadzirisa First Street VaLovemore Nyatsine

Kwayedza

Tandayi Motsi

KAMBANI yeEconet Wireless svondo rino yakabatana nekanzuru yeHarare muchirongwa chekuvandudza mugwagwa First Street izvo zvichaona muchiiswa nhare dzekuti veruzhinji vakwanise kusvitsa zvichemo zvavo kuvakuru veguta uye makamera anoratidza mafambiro evanhu zvose nedzimotakari.

Pamusoro pezvo, kamba yemapurisa duku iri munaFirst Street ichavandudzwa pamwe nekuiswa michina yechizvino-zvino kuitira kuti ifambirane nenguva.

Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa ichi, Mayor weguta reHarare, VaHerbert Gomba, vanoti mushandirapmwe uyu wauya panguva yakakodzera.

“Nhasi taungana pano kuzadzikisa chiroto chedu, rinova danho guru mubudiriro yeHarare. Chiroto chedu chekuvandudza Harare kuti ive guta repamusoro chinoenderana zvikuru nehurongwa hweEconet. Nguva pfupi yadarika, takaona Econet ichibatsira mukurwisa kupararira kwecholera uye tinoitenda nekuzvipira kwayo,” vanodaro. Mayor Gomba vanoti vanoshushikana nekudzikira kuri kuita mamiriro ezvinhu, kunyanya kusakara kwezvivakwa mukati meguta reHarare.

Zvisinei, vanoti zvichitevera kupindira kuri kuitwa nemakambani akaita seEconet, chiroto chekuti Harare ive guta rinokwikwidzana nemamwe maguta epamusoro pasi rose chinokwanisa kuzadzikiswa.

“Mamimiro ezvinhu mukati meguta (Central Business District) adzikira uye hazvichayemurika. Zvimwe zvivakwa zvasakara uye zvave nenguva refu zvisati zvapendwa kana kuvandudzwa.

“Mamiriro eCBD ari kudzinga avo vanenge vachida kuita zvemabhizimisi. Econet iri kuvaka hwaro saka tinoti tose, kusanganisira vane zvivakwa, ngatishandei pamwe chete mukuvandudza guta redu,” vanodaro.

VaLovemore Nyatsine, avo vanova Econet Wireless chief of staff, vanoti kambani yavo yakazvipira kuvandudza Harare.

“Econet inoziva zvikuru kukosha kwekudzorera kunharaunda uye zvimhinhamipinyi zvatiri kusangana nazvo hazvipedzwe nesangano rimwe chete asi nesu tose. Kuburikidza nekushanda pamwe chete nekanzuru yeHarare, tiri kutungamirira chirongwa chekuti mugwagwa First Street unge wakatsvinda. Tichaita izvi tichibatsirana nemamwe mapoka ose ari pano,” vanodaro.

Vaive pagungano iri vanosanganisira vane zvivakwa zviri munaFirst Street, vashandi vekanzuru neveEconet.

Share This:

Sponsored Links