Education Act chinombori chii?

15 Nov, 2022 - 16:11 0 Views
Education Act chinombori chii? Kurova vana kuchikoro hakuchatenderwa nemutemo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

NEDONZVO rekusimudzira uye kukoshesa nyaya dzedzidzo, Hurumende yeZimbabwe yakadzika mutemo weEducation Amendment Act ukashambadzwa nezvawo ndokuzotanga kushanda zviri pamutemo nemusi wa6 Kurume 2020.

Mutemo uyu unofambirana nezviri mubumbiro remutemo wenyika Section 75 rinotaura nezvekodzero yedzidzo.

“Mutemo weEducation Amendment Act unotaura kuti mugari wose wemunyika ino ane kodzero yedzidzo achitsigirwa neHurumende kusanganisira dzidzo yevanhu vakuru. Ingava dzidzo yekuwedzeredza, Hurumende inofanira kutsigira nepainogona napo kuti vanhu vabudirire mune zvose zvavanoda kuita muupenyu,” anodaro Respect Tsvanhu uyo anova murongi kusangano reFarm Education Community Trust (FACET) pamusangano uchangobva kuitwa muHarare.

Mutemo uyu unoenderera mberi nekutaura kuti munhu wose ane kodzero yekuchengetedza mari kuti avandudze dzidzo yake uye zvikoro zvakazvimiririra hazvifanirwe kunge zvichiita rusarura. Zvikoro zvakazvimiririra zvinosungirwa kuti zvinge zvakanyoreswa zviri pamutemo, kutevedza zvinodiwa uye Hurumende ine kodzero yekuvhara zvikoro zvose zvisiri kutevedza hwaro hwakatarwa nemutemo.

Nyaradzo Mashayamombe, uyo anova mukuru wesangano rinotsigira dzidzo yevanasikana reTag A Life, anoti mugore ra2020, Zimbabwe yakagamuchira mutemo weEducation Amendment Act donzvo riri rekuti vana vawane dzidzo yepachena.

“Mutemo uyu unorambidza nyaya dzekudzingwa chikoro kwevana nepamusaka pekuti vakundikana kubhadharirwa mari yechikoro kana kudzingwa vaita pamuviri. Unoti dzidzo inofanira kunge iri yepachena ichiwanikwa nemunhu wose uye vana vanofanirwa kuwaniswa dzidzo maringe neutano hwesikarudzi, uchipa zvekare kodzero yedzidzo kuvadzidzi vose vakaremara pasina rusarura.

“Dambudziko riripo nderekuti mitemo iyi iripo, asi haisi kutevedzwa nemazvo nekuti tichiri kuona vamwe vana vakaremara nevaita pamuviri vachishaiswa dzidzo,” anodaro.

Anoti zvimwe zvikoro zvichiri kudzingira vana mari yechikoro zvinoita kuti varasikirwe nedzidzo.

Wadzanai Chitiga anova mukushi wemashoko kusangano reEducation Coalition of Zimbabwe (ECOZ) anoti zvimwe zvikoro hazvina zvivakwa kana zvigaro zvakanaka kuti vana vadzidze vakasununguka izvo zvinogona kuva zvekare zvibaingaidzo munyaya dzedzidzo.

“Mutemo uyu wakabvisa chikamu cheSection 68 icho chaibvumira kuti vana varohwe nekuti pamwe pacho varairidzi vaigona kuranga vana nenzira inokuvadza vakagumbuka zvokonzera rufu kana kukuvara. Mitemo mutsva uyu muSection 69 unotaura zvekare nezvekushandiswa kweruzivo rwechizvino-zvino muzvikoro zvakadai semakombiyuta izvo zvinobatsira mukusimudzirwa kwedzidzo.

“Saka tiri kuona zviri kuitwa apo Hurumende nevamwe vatsigiri vakadai seUnicef vari kuisa midziyo inoshandisa simba rezuva kubva mumagetsi (solar energy) kuti kunyangwe vana vari munzvimbo dzakasaririra vasarasikirwe nedzidzo. Section 69 yemutemo uyu inotaura zvekare maringe nezvirongwa zvekuwanisa vana chikafu chinovaka muviri muzvikoro (School Feeding Schemes) kuitira kuti vadzidze vakasununguka.

“Izvi zvakavapo mushure mekuonekwa kuti vana vazhinji, zvikuru vanobva kumhuri dzinotambura, vakanga vava kuenda kuchikoro vasina kudya izvo zvaikanganisa dzidzo,” anodaro.

Chitiga anoti Section 64 yeEducation Amendment Act inotaura kuti vana vechikoro vanofanira kubatsirwa munyaya dzeutano nokudaro muzvikoro munofanira kunge muine chikamu chevanobatsira vana munyaya idzi.

“Mazuva ano, tiri kunzwa nyaya dzakawanda dzevana vari kutora zvinodhaka nevamwe vari kushungurudzika mupfungwa (mental health) zvekusvika pakuzvisungirira. Tinoona kuti kana zvirongwa izvi zvikavamo muzvikoro, vana vanopangwa mazano nyaya idzi dzoderera.

“Nekuti zvinhu zvinorwadza kuti tiri kurasikirwa neupenyu hwepwere dzakabata remangwana renyika nekuda kwekuti vari kuzvidimburira upenyu hwavo panzira kuburikidza nekuzviuraya. Zvekare, imhosva kuti vabereki varambidze vana kuenda kuchikoro,” anodaro.

Director weChitungwiza Residents Trust, Alice Kuvheya, anoti zvisinei nekuti vana vanoita pamuviri vari kubvumirwa kuti vaenderere mberi nechikoro, vashoma kwazvo vari kuwana mukana uyu.

“Hongu, zvinonzi pamuviri hapakanganise dzidzo yemwana, asi tinoona vana vazhinji vanenge vabatira mimba vari muzvikoro vachibva vangosiira chikoro panzira apo vanoshaya rutsigiro rwevabereki panhau yekubhadharirwa mari yechikoro. Muzvikoro macho, vamwe varairidzi havatodi kufundisa vana vane pamuviri nekuti vanenge vachitovasarura sevane misikanzwa. Saka zvinoda dzidzidziso yakasimba uye rutsigiro rwemari kuti vakwanise kuenderera mberi nedzidzo,” anodaro.

Kuvheya anoti zvakakosha zvekare kuti pwere dzinenge dzava kupinda munyaya dzepabonde dziwaniswe mishonga yekurera mhuri, kusanganisira makondomu kuitira kuti pave nedziviriro kubva kuzvirwere zvakaita seAids nenjovhera dzinosanganisira syphilis, gonorrhoea nehepatitis.

“Zviri kurwadza hama nevadikani kuti pwere dzine makore masere dzava kubata pamuviri. Kureva kuti tava kufanirwa kuvhura pfungwa dzedu tisandure maitiro edu aya ekuramba kuti pwere hadziite pamuviri kana kuita bonde. Kana tose tiri kubvuma kuti pwere dziri kuita bonde, ngatidzipei mvumo yekurapwa, kudzivirirwa kubata pamuviri kana zvirwere zvepabonde.

“Kana tikavarambira, tiri kuvauraya vana vedu uye vana vavanobara vanongosangana zvekare netsekwende dzimwe chete dzekumitiswa nekushaya dzidzo,” anodaro.

Chikamu cheSection 4 cheEducation Amendement Act chinotaura zvekare maringe nenyaya dzekuwaniswa zvekushandisa panguva yekutevera kuvanasikna vari muzvikoro, kusanganisira mvura yakachena kuti pave nehutsanana.

Mitemo iyi iripo mukurwira kodzero dzevana nezvose zvakavanakira muupenyu hwavo kuti vawane dzidzo yakakwana uye yakaenzanirana kuti nyika ikwanise kuzadzikisa zvinangwa zvayo zvinoendeka zvemaSustainable Development Goal nhamba 4 uye Vision 2030.

Votaura nezvemutemo uyu, VaTaungana Ndoro, avo vanova mukushi wemashoko kubazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, vanoti unotarisa kodzero dzevana apo unotendera kuti vanasikana vanenge vaita pamuviri vange vachidzokera kuchikoro kunofunda nevamwe muzvikoro zvakati tsvetere (formal schools).

“Izvi hazvirezvi kuti sebazi redzidzo tiri kukurudzira kuti vana vaite pamuviri vari muzvikoro, asi tinenge tichida kuti vana ivavo vasarasikirwe nedzidzo kana vachinge vaita tsaona dzekuita pamuviri vari muzvikoro.

“Mutemo uyu unorambidza zvekare kurohwa kwevana uye itori mhosva kuranga vana nenzira iyi muzvikoro saka panotsvagwa dzimwe nzira dzekuranga vana nadzo dzisina dzekuvarova. Imhosva huru unoendesa kujeri kuti vana varohwe kunyangwe nembama, shamhu kana hosipaipi, tsvagai dzimwe nzira dzekutsiura vana nadzo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>