Ehe, ambuya ndinovatuka: Mukuwasha

05 Mar, 2020 - 10:03 0 Views
Ehe, ambuya ndinovatuka: Mukuwasha

Kwayedza

Courtney Munodawafa

Mukuwasha anonzi ari kutukirira ambuya — amai vemudzimai wake – pamwe chete natezvara vake zvichitevera kunetsana kwaari kuita nemukadzi wake.

Amina Alikoshen akam- han’arira murume wake Deon Fernadez kudare reHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza pamwe chete nevabereki vake.

Alikoshen anoti Fernadez ari kushaisa mhuri yevabereki vake yose mufaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Alikoshen gwaro rinomudzivirira. “Uyu murume wangu uye tine muchato asi pari zvino hatisi kugara tese, ndakambodzokera kumba kwevabereki vangu gore

rapfuura.
‘‘Tine mwana mumwechete.

Pataigara tese aiita mhirizhonga achindituka, haasati hake ambond- irova asi anonetsa. Ndakambo- mumhan’arira ndikazomure- gerera,” anodaro.

Alikoshen anoti murume wake anotuka amai vake vose nehanz- vadzi yake.

“Anotumira mameseji achitukirira amai vangu, hanzvadzi yangu nemuroora wangu. Anouya

kumba kwedu otanga kuramba kubva achiita zvemhirizhonga. Handikwanise kumusungisa nekuti handidi kuti zvizokangan- ise mwana wangu baba vake vave kujeri. Anokwanisa kuona mwana hake, ngaabatsire kumuchengeta asi ngaasauye kumba nekubasa kwangu uye kana akauya kumba ngaagumire pagedhi,” anodaro.

Fernadez anoti iye nemukadzi wake vanowirirana asi pane mhandu iri kuda kuvapesanisa.

“Tichiri tese asi kungoti tiri kugara kwakasiyana, pane mhandu iri kumufurira kuti andirambe asi totowirirana.

‘‘Handikwanise kuitaura mhandu yacho.

“Ndakafona ndichida kutaura nemwana akasadaira foni saka ndakabva ndafonera amai vake asi vaisadaira,” anodaro.

Fernadez anoenderera mberi achiti, “Hongu, ndakazoenda kumba kwavo ndikatuka amai vake zvechokwadi, kwaiva kubatikana.

‘‘Handingataure nevamwe vanhu nekuti handina kugadzira mwana navo.

“Iye anotoitawo mhirizhonga. Haandiudze kuti mwana haana zvinhu asi ndinomupa mari yem- wana.”

Share This:

Sponsored Links