Uncategorized

EMA yaripisa Kent Estate $500 000

28 Jan, 2023 - 13:01 0 Views
EMA yaripisa Kent Estate $500 000 Kent Estate

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO rinoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda, reEnvironmental Management Agency (EMA), rakaripisa kambani yeKent Estates iri kuNorton faindi ye$500 000 zvichitevera mabasa airi kuita ekuchera goridhe zvisiri pamutemo.

Mai Amkela Sidange, avo vanova environmental education and publicity manager kuEMA, vanoti vakapa kambani iyi matiketi emhosva sezvo iri kuchera goridhe isina kupihwa gwaro reEnvironmental Impact Assessment (EIA) .

Kambani yeKent Estate inonzi yakambonyorera magwaro aya ekuti EMA iongororore nharaunda yainoitira mabasa ezvicherwa asi haina kupihwa mvumo.

“Vakatanga kuita mabasa avo ezvicherwa zvisiri pamutemo vachikanganisa nharaunda uye pasina kubvumirana nevamwe varimi vari pedyo zvikaita kuti tivape magwaro ekuchengetedza nharaunda (Environmental Protection Order) uye nekuti vamire mabasa aya kusvika vazowana magwaro anovabvumira kuita izvi. Kambani iyi yaifanira kutanga yatevedza zvinodiwa pamutemo kuti iwane gwaro reEnvironmental Impact Assessment Certificate,” vanodaro Mai Sidange.

Vanoti mugodhi wezvicherwa uyu wakaonekwa zvakare uchishanda usina rezenisi rezvinhu zvine njodzi kunove kutyora mutemo weSection 10 of Statutory Instrument 268 of 2018.

“Mugodhi uyu wakatadza kuchenjerera mabatirwo nemashandisirwo ezvinhu zvine njodzi uchityora mutemo weSection 30 (3) (a) yemurawu mumwe chete uye zvichitungamira mukuburitswa kwemvura munzvimbo kubva kumatangi eVat-Leach. Izvi zvakaita kuti pave nekuwanda kwetsvina nekuda kwemvura zhinji inoyerera munzvimbo iyi. Mvura iyi yakauraya mombe gumi dzevarimi vaviri veko.”

Mai Sidange vanoti mapurisa eZRP Norton Rural vakavhura dhoketi uye Kent Estates yakamirira kupinda mudare nekuda kwenyaya iyi.

EMA iri kuyambirawo kambani iyi kuti itore matanho anodzivirira kubuda kwetsvina kubva mumatangi eVat-Leach pari zvino.

“Tinoda kuyeuchidza vashandi vemumigodhi kuti mabasa ezvicherwa anofanira kuitwa chete pasi perezinesi reEnvironmental Impact Assessment sezviri muSection 97 yeEnvironmental Management Act (CAP 20:27) uye EMA haizozengurira kuranga vose vanobatwa vachityora mutemo uyu,” vanodaro.

Mai Sidange vanoti kambani iyi inofanirwa kungwarira zvakare nyaya dzekuchengetedzwa kwenharaunda uye upenyu hwezvipfuyo nehweruzhinji.

“EMA inocherechedza kuchengetedzwa kweveruzhinji uye kutendeseka kwenzvimbo panjodzi. Izvi zvinoteverawo nyaya yekuti vana vatatu vakatsva zvakaipisisa mushure mekutsika huruva inopisa pakambani inogadzira simende yePretoria Portland Cement (PPC) Collen Bawn kuMatabeleland South,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links