EPWORTH: VAPENYU VOGARA NEVAKAFA

11 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
EPWORTH: VAPENYU VOGARA NEVAKAFA Marangwanda emushakabvu akasiiwa pachena

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MAKUVA anodarika 30 ari kunzi akafukunurwa, marangwanda evashakabvu ndokusara ave pamhene kuEpworth.

Izvi zvinonzi zviri kuitwa nedzimwe nhubu dzinochera jecha dzichitengesa nevamwe vagari veko avo vamwe vacho vari kuvaka dzimba pamusoro pemakuva.

Kwayedza svondo rapera yakabatana nesangano reEpworth Zinyengere Development Association ndokushanyira nzvimbo iyi uko yakazvionera makuva ari kufukunurwa aya.

Vatori venhau vakaonawo marangwanda evashakabvu nehembe dzavakavigwa nadzo zviri pachena kumakuva uku.

Dzimwe dzimba dzemunzvimbo iyi dzave nenjodzi kune vanogaramo sezvo dzichigona kudhirika nekuda kwekucherwa kuri kuitwa ivhu nemakorokoza.

Vamwewo vanhu ndivo vakaonekwa vachisasana mukati memakuva aya.

Pakasvika vatori venhau, mumwe wevarume vaichera jecha akatora bhemba nefoshoro ndokusikiza nazvo mumusoro pamwe nekumakumbo aRodney Mupfudza (40), uyo anova mugari wenzvimbo iyi.

“Ndiwe unondipa sadza here? Usafunga kuti ndinokutya zvachose, ndinokuuraya ndigokufushira muno mumakuva,” anodaro murume uyu.

Varume ava vakatyisidzirawo vatori venhau.

VaJoel Mupfudza (65), avo vanova sachigaro weEpworth Zinyengere Development Association, vanoti dambudziko rekubiwa kwejecha kumakuva iguru muEpworth.

“Muno mune dzimwe dzimba dzakatovakirwa mumakuva zvekuti vanhu vanotobuda mumba vachitsika nepamusoro pemakuva. Hazvichavatyisi,” vanodaro.

Vanoti kune mbavha dzinopara mhosva kudzimwe nzvimbo idzo dzinozotiza dzichinogara kuEpworth.

“Mbavha idzi dzinoziva kuti mapurisa akauya achivatsvaga havavawane nekuti kuno kune dzimba dzisina manhamba (address). Kunongonzi kumaCell 7 kuno,” vanodaro.

Vanoti makuva anodarika 30 akafukunurwa nemakoronyera ejecha.

“Takaona makuva anodarika 30 muno akafukunurwa uye tine makuva evanhu 3 000 vakavigwa muno muZinyengere Cementry. Tichishanda neveEMA nemapurisa, takamboedza kuita zvirongwa zvekudzivisa makorokoza aya asi vari kuramba vachichera ivhu,” vanodaro VaMupfudza.

Vanoti kugara kwevanhu zvisina kurongeka muEpworth ndiko kumwe kuri kukonzera nyaya dzekucherwa kwevhu zvisina tsarukano.

“Vanhu vari kungozvipa pekugara vachivaka pamadiro, saka jecha riri kudiwa.”

VaJoel Mupfudza vanoti veEpworth Local Board vanoti havana magwaro ekuva varidzi venzvimbo ine makuva iyi.

“Takambotaura neveLocal Board ikati haina matitle deeds enzvimbo iyi zvinova zvinovashaisa simba rekurwisa makoronyera aya,” vanodaro.

VaHopemore Chirimhanzi (60), avo vanova mukushi wemashoko weZinyengere Cemetry Committee, vanoti vane hurongwa hwekuita musangano nebhodhi reEpworth, veEMA uye mapurisa kuti vaone kuti dambudziko iri ringapedzwe sei.

Kuchiti VaDouglas Utete (59), vanova munyori weEpworth Zinyengere Development Association, vanotiwo mamwe mapfupa evanhu ari kutorwa achinokandwa mudhamu reRuwa riri pedyo nemarinda aya.

Mudhamu iri munocherwawo mvura nevanhu veko vachinoshandisa mudzimba.

Dr Wilton Mhanda, avo vanova Town Secretary weEpworth Local Board, vanoti panyaya yevanhu vanochera ivhu kumakuva, vakatoendesa chikwata chemapurisa ane pfuti neMuvhuro wadarika sezvo makorokoza aya aine katsika kekurova nekukuvadza vanhu vanenge vachiedza kuvatanda.

“Mapurisa ane pfuti atoenda kumakuva ikoko kunorwisana nedambudziko rekucherwa kwevhu zvisiri pamutemo. Munguva yadarika, makorokoza ava vakatombotema vashandi veEMA nematombo.

“Vanhu ivava havana matyira, vari kuchera ivhu mumakuva vachitengesa uye vatova nemakore vachizviita. Kana vakaona kuti mapurisa avavinga masikati, vanotiza vazodzoka husiku. Panotoda kugara pakachengetedzwa,” vanodaro.

VaGilbert Mugunzva vanova Environmental Officer mudunhu reHarare kuEMA, vanoti dambudziko rerudzi urwu raimboitika kumakuva ekuGranville Cemenetry apo jecha raibiwa kumarinda aya.

“Patinoita zvirongwa zvekurwisa kubiwa kwejecha tinobatana nemapurisa uye vanotoenda vaine pfuti nekuti vanhu ava vakaipisisa, vane zvombo zvekurwisa. Ndinovimba kuti pavashoma vakasungwa pachirongwa chadarika, ndipo pane vamwe vakasara vochinja nzvimbo yekuchera ndokuenda kuEpworth. Dambudziko rimwe chete iri range rakurawo kuAllingthon Park,” vanodaro.

Vanoti kuchera jecha usina magwaro eEMA imhosva pasi pemutemo weSI 3 of 2001 Possession, Excavation, Extraction or Removal of clay or sand deposits without a licence uye S1 7 OF 2007 Environment Management Act (Environmental Impact Assessment & Ecosystems Protection) Regulations.

Zvichakadai, mutungamiriri wesangano reZimbabwe National Practioner’s Association iro rine varapi vechivanhu nevemakereke, VaFriday Chisanyu, vanoti pachivanhu hazvitenderwe kubata-bata makuva sezviri kuitika kuEpworth izvi.

“Itori mhosva huru pamutemo wenyika uye zvinopa jambwa kune vachera nekuti mapfupa evanhu haafanire kugara pachena kana kubatwa nevatorwa. Zvinopa kusagadzikana kunyangwe kuvanhu vemunharaunda,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links