Eureka yavakira mhuri 5 dzimba

29 Nov, 2023 - 16:11 0 Views
Eureka yavakira mhuri 5 dzimba Dzimwe dzedzimba nezvimbuzi dzakavakirwa mhuri shanu nekambani yeEureka Gold Mine kwaMambo Chipuriro, kuGuruve

Kwayedza

Godfrey Chireru ari kuGURUVE

MHURI shanu dzaigara mumusha wekwaMazhambe, kwaMambo Chipuriro kuWard 6, kuGuruve, dzakafara zvakanyanya mushure mokugashidzwa misha mitsva papurazi reMbome Valley nekambani yeEureka Gold Mine.

Kugashidzwa kwemisha iyi kunotevera kuvandudzwa kuri kuitwa Eureka Gold Mine uko kwakaona nzvimbo yaigarwa nemhuri idzi ichive chikamu chemugodhi uyu.

Mhuri yoga-yoga yakapihwa dzimba dzinosanganisira yekurara ine makamuri mana, yekubikira, chimbuzi, kamuri yekugezera pamwe nemunda wakakura mahekita maviri nechidimbu.

Pamusoro pezvo, Eureka Mine yakarima minda yemhuri idzi dzose, ndokuvimbisa kupa vagari venzvimbo iyi mbeu nefetireza zvekurimisa mwaka uno.

Kanzura Firai Mazhambe veWard 6 kwaMazhambe vanoti pane hurongwa zvekare hwekuwanisa mhuri idzi zvekushandisa pakurima pasi pechirongwa chePfumvudza.

Mugodhi weEureka wakavimbisazve vagari venzvimbo iyi kuvacherera chibhorani munguva pfupi iri kutevera.

Pamusoro pezvo, Eureka Gold Mine yakaenderera mberi nekupinza basa munhu mumwe pamhuri yoga-yoga.

Vachitaura pachiitiko ichi, VaTinago Tinago vekambani iyi vanoti vanotarisira kushanda pamwe nekanzuru yeGuruve mukuvandudza chikoro cheMuroiwa Primary School nemugwagwa unoenda kumisha mitsva iyi.

Vanotiwo vachashanda nesimba pamwe nekanzuru iyi mukuvaka kiriniki pedyo nemhuri idzi.

Mukuru wekanzuru yeGuruve, VaTinos Marisa, vakatenda kambani iyi pamwe nemhuri idzi nekunzwisisa uye nekushanda pamwe kubva pakutanga kwehurongwa uhu kusvika pari zvino.

Vanokurudzira Eureka Gold Mine kuti ienderere mberi nemabasa akanaka seaya.

Zimwe zvimbuzi zvakavakwa nekambani yeEureka Gold Mine.

Mambo Chipuriro vanokurudzira mhuri idzi kuti dzishande nesimba muminda zvichitevera kurimirwa kwavakaitwa uye kupihwa mbeu nefetireza.

Mumwe wevakagashidzwa dzimba itsva idzi pamwe nekupinzwa basa nekambani iyi, VaRichmond Mazhambe, vanoti vanofara zvakanyanya.

“Nhasi handikwanise kutsanangura mufaro wandinawo. Imba yandavakirwa yakakurisa kudarika yandaive nayo kwaMazhambe, munda wandawaniswa mukuruzve kana zvichienzaniswa newandaive nawo,” vanodaro.

Mbuya Media Handuku vanoti havaifungira kuti vachazove nemusha wakanaka sewavakavakirwa. Vanokurudzirawo kanzura wavo mutsva weWard 21, VaJotham Nyikadzino, kuti vagare pasi nemhuri idzi vadzidzidzise zvierwa zvenzvimbo yavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey