Extra lessons: ‘Aiwa matigonera zvikuru’

21 Jul, 2024 - 12:07 0 Views
Extra lessons: ‘Aiwa matigonera zvikuru’ VaMoses Mhike

Trust Freddy

VABEREKI, vadzidzi nevarairidzi vagamuchira nemaoko maviri danho rakatorwa neHurumende rekubvisa mutemo unorambidza zvidzidzo zvemaExtra lessons izvo zvave kuitwa kutanga pazororo rezvikoro raNyamavhuvhu uno.

Hurumende inoti zvidzidzo izvi zvinofanirwa kuitwa pakati pemazuva anoti 19 – 30 Nyamavhuvhu.

Mari ichabhadharwa nevadzidzi iUS$2 pachidzidzo chimwe padanho reGrade 7, US$3 paO-Level neUS$5 pachidzidzo chimwe paA-Level kwenguva yose yakatarwa iyi.

Vadzidzi vekubhodhingi vachabhadhara imwe US$4 pazuva pamusoro pemuripo wakatarwa.

Danho iri rinotarisirwa kupedza gakava rave nemakore akawanda riripo pamusoro pekuitwa kwemaExtra lessons.

Chinangwa chikuru chiri chekusimudzira dzidzo nekupa vadzidzi mukana wakakosha wekuenderera mberi nezvidzidzo zvavo panguva yezororo.

Munyori mukuru mubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, VaMoses Mhike, vanoti zvidzidzo zvepazororo zvichaitwa kubva musi wa19 kusvika 30 Nyamavhuvhu uye vabereki vachange vaine mukana wekubhadhara mari yemhando yavanoda, ingava yemuno kana yekunze.

“Vabereki nevachengeti vevana vanofanira kuwana marisiti pavanobhadhara uye mabhuku emari akakwana emaakaundi anofanirwa kuchengetedzwa nemazvo kuitira kuti ataridzike,” vanodaro.

“Dzidzo yepanguva yezororo inofanirwa kutariswa zvizere nevaongorori pamwe chete nemaDistrict Literacy Coordinators uye maRemedial Tutors. Vana vanofanira kuenda kuzvidzidzo izvi vakapfeka mayunifomu avo echikoro.”

VaMhike vanoti varairidzi vanofanira kupihwa chikamu che50 percent chemari iyi sekuvatenda pabasa remaExtra lessons panguva yezororo.

Zvikamu makumi maviri kubva muzana zvemari ichabviswa nevadzidzi iyi ichapihwa kuzvikoro kuti ibatsire mukufambiswa kwebasa uye zvikamu makumi matatu kubva muzana zvichienda kune mamwe mabasa anosimudzira chikoro akadai sekubhadhara mitero nemidziyo inoshandiswa, kusanganisira mabhuku nezvinyoreso.

VaMhike vanoti bazi ravo rinotarisira kuvandudza kupasa kwevadzidzi kuburikidza nezvidzidzo zvepazororo izvi.

Dr Sifiso Ndlovu

Mukuru wesangano reZimbabwe Teachers’ Association (Zimta), Dr Sifiso Ndlovu, vanorumbidza danho ratorwa neHurumende iri.

“Tinotambira nemufaro budiriro iyi sezvo vadzidzisi vazhinji vachida kuona vadzidzi vavo vachipasa,” vanodaro.

Dr Ndlovu vanokurudzirawo vadzidzisi kuti vasiyane nekuona maExtra lessons semukana wekuita mari.

“Tinofanira kutarisa zvinhu zvinobatsira vadzidzi kuti vabudirire pane kuzviona senzira yekutsvaga mari,” vanodaro.

Munyori mukuru wesangano reNational School Heads Union, VaMunyaradzi Majoni, vanorumbidzawo Hurumende nekuterera chikumbiro chemasangano akasiyana chekuti vadzidzi vabvumidzwe kudzidza panguva zororo.

Mashoko avo anotsinhirwa nevabereki nevachengeti vevana.

“Ndanga ndichityira kuti vacharambidza zvidzidzo zvepazororo zvakare,” vanodaro Muzvare Caroline Chaka vemumusha weKuwadzana, muHarare.

“Iri idanho guru sezvo vamwe vana vechikoro vakadai sewangu ari kunyora bvunzo dzeGrade 7, vachida rubatsiro rwakawedzerwa. Mudzidzi anononoka kubata saka anoda kubatsirwa mune zvimwe zvidzidzo. “

Mumwe mubereki, VaEverson Gwaze vekuWarren Park, vanoti kudai danho iri rakatorwa kare-kare sezvo richibatsira kusimudzira fundo.

“Izvi zvaifanira kunge zvakatotanga kare zvekuti apa ndaitarisira kuti vachatanga mutemu yekutanga. Asi ndinotenda kuti Hurumende yakazivisa mari inobhadharwa pamaExtra lessons saka izvi zvinounza zororo kwatiri vabereki sezvo taibvisiswa mari zhinji ichingoenda muhomwe yemurairidzi icho chikoro chisingabatsiriki,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links