Fambiranai nemwaka

01 Nov, 2019 - 00:11 0 Views

Kwayedza

VARIMI vazhinji pari zvino vari mushishi kugadzirira mwaka weZhizha kuburikidza nekutenga mbeu, fetiraiza, mishonga nezvimwe zvinoshandiswa mukurima.

 Vamwe ndivowo vari kurima minda yavo kuitira kuti panozonaya mvura vasawanikwe vasina kugadzirira.

Kazhinji, mvura yeZhizha yagara inoturuka pakati pemwedzi waGumiguru. Asi nekuda kwekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze, izvi hazvisisiri kuitika. Mwakaya yasanduka.

 Semuenzaniso, iye zvino mwedzi waGumiguru wasvika pakupera mvura isati yamboturuka kumatunhu ose enyika unove musiyano nezvaiitika kare.

 Makore adarika, nguva ino varimi vazhinji vangadai vatodyara mbesa dzakasiyana-siyana dzatove nemizera inoonekera.

Kune vamwe vaitoziva kuti kubva nemusi wa15 Gumiguru mvura yeZhizha inenge yaturuka uye vanenge vodyara mbesa dzavo.

Taizosara tosvika muzororo reKirisimasi vamwe mbesa dzavo dzakadai sechibage vave kutodzisakura.

Kunyangwe mumabindu chaimo, vamwe vaizosvika pazororo iri vave kutodya chibage chavanenge vakarima.

Asi nhasi uno pane musiyano mukuru chaiwo nekuda kwekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze.

Zviri pachena kuti nekuda kwemamiriro akaita zvinhu, varimi vanofanirwa kurima mbesa dzinochimbidza kuibva, zvikuru mbesa diki.

Tinodaro nekuti mwaka weZhizha wanonoka kutanga zvichireva kuti kana murimi akadyara mbesa dzinonokawo kuibva padzinozoibva mwaka unenge wadarika.

Nyanzvi dzinoona nezvekurima pamwe chete neHurumende vagara vachikurudzira varimi kuti varime mbesa diki dzinokasira kuibva, zvikuru kumatunhu asinganaye mvura  zvakanaka.                                                                          

Mbesa idzi dzinosanganisira zviyo, mapfunde nemhunga.

Kunyangwe Hurumende apo iri kupa varimi zvekushandisa pasi pechirongwa chePresidential Input Programme, kunze kwembeu yechibage, iri kupawo mbesa diki idzi.

Mbesa diki dzakanakira pakuti dzinoshingirira muzuva kana mvura ikanaya iri kushoma uye dzinochimbidza kuibva.

Kurudziro yekuti varimi vanofanirwa kudyara mbesa diki uye nedzimwe dzinokurumidza kuibva inofanirwa kukosheswa.

Hazvibatsire kuti varimi varambe vakabatirira panzira dzavaishandisa kurima kare iwo mamiriro ekunze                                                                                                          achishanduka.

Zvakakosha kufambirana nenguva nechinangwa chekuti varimi vawane pundutso mubasa ravo.

Sezvo mwaka weZhizha wanonoka kutanga, zvinoreva kuti mvura ichingoturuka chete rinenge rave bishi nemhere-mhere varimi vave kutotanga kudyara.

Inenge yave wasara wasara chaiwo nekuti mwaka haumirire munhu.

Nerimwewo divi, zvakakosha kuti varimi vachengetedze goho ravo remwaka wadarika nekuda kwekuti hapana anoziva kuti goho remwaka uri kutevera rinenge rakamira sei.

 Kune vamwe vanogona kutengesa goho ravo rose asi pakupedzisira vozodemba apo vanenge vave kusunza.

Share This:

Sponsored Links