‘Fambiranai nemwaka’

11 Oct, 2019 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VARIMI vari kukurudzirwa kuti vange vachigadzirira minda yavo pamwe nekutenga zvekushandisa zvakadai sembeu nefetiraiza nenguva kuitira kuti vazopunduka mukurima kwavo mumwaka wa2019/2020.

Muhurukuro neKwayedza nguva pfupi yadarika, mudhumeni mukuru kukambani yeSeed Co – Dr John Basera – vanoti zvakakosha kuti varimi vange vachicherechedza mamiriro ekunze, zvikuru sei manairo achaita mvura zvichibva kubazi rinoona nezvemamiriro ekunze reMeteorological Services Department.

“Chekutanga, kana murimi akaziva manairo achaita mvura anobva avawo nemukana wekuronga kuti angadyara mbeu dzakadii zvichienderana nehuwandu hwayo. Tinokurudzira varimi kuti vachitotangisa kugadzira minda yavo. Kuvarimi vadiki, munokwanisa kushandisa mombe mukurima minda yenyu nekuti kana mvura ichinge yazoturuka mwando unodzika pasi-pasi zvinova zvinobatsira kuti midzi yezvirimwa inge ichidzika pasi ichikwanisa kuzowana kudya kwese kunodiwa nezvirimwa,” vanodaro.

Dr Bhasera vanoti varimi vanokurudzirwa kurima zvine hudzamhu hwe35 cm kudzika nekuti izvi zvinobatsira kuti zvirimwa zviwane mikana yekumera.

“Tinokurudzira zvakare kurima kwemasutso sezvo kuchibatsira mukuchengetedza mwando. Mashanga ezvirimwa aya akasara mwaka wadarika akakosha zvikuru kuti ange achisiiwa achiorera mumunda pane kuti ange achipiswa nekuti zvinoparadza kudya kwakakosha kunowanikwa muvhu,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tinokurudzira zvakare varimi kuti vaende nevhu ravo kumarabhoritari kuti rinovhenekwa sezvo ndizvo zvinobatsira kuti rionekwe kuti rine kudya kwakadii. Kana Ph yevhu ichinge yakaderera kana kuwandisa, nyanzvi dzezvekurima dzinokuzivisai zvamunofanira kuita kuti mowedzera Lime here kana kuti Gypsum. Hazvibatsiri kuti murumi angoita fungidziro kuti zvirimwa zvake zvingadei nekuti anozogumisira ava kudhurirwa nezvimwe zvinhu zvagara zviri muvhu rake. Vamwe varimi vanzwa nekudhurirwa vachitenga fetiraiza yakawanda zvisinei nekuti inenge irimo muvhu. Dzimwe dzenguva kuvava kwevhu (acidity) kunenge kuchifanira kuderedzwa iwe wowanikwa uchingowedzera fetiraiza.”

Vanoti varimi havafaniri kutyira kure nekuti kuvhenekwa kwevhu hakudhuri zvachose mumarabhoritari emuno zvekuti kungangoda $20 bedzi.

“Tinokurudzira zvakare kuti varimi vange vachisandura mhando yezvirimwa zvavanorima gore negore senzira yekusimudzira kuwanikwa kwechikafu muvhu (crop rotation). Murimi akangwara anogara akatenga mbeu, fetiraiza, mishonga nemichina yake yekurimisa nenguva.  Tinokurudzirawo kurima kwemadiridziro kuti kunge kuchiitwa zvakasimba takatarisa nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze nekuti pamwe pacho mvura yemudenga inogona kutadza kuturuka nenguva,” vanodaro.

Dr Basera vanoti zvakakosha kuti varimi vakurumidze kudyara kuitira kuti mbesa dzikwanise kukura zvakanaka panguva iyo zuva nekudziya zvinenge zvichiri kuwanikwa pakutanga kwemwaka wezhizha.

Vanoti kune mhando yembeu dzinoenderana nenzvimbo dzakasiyana uye dzimwe dzacho kambani yavo yakadzipa mazita emhuka kuitira kuti zvive nyore kuvarimi mukuziva mbeu dzinofambirana nematunhu avo.

“Senzira yekuvandudza ruzivo rwechizvino-zvino munyaya dzekurima, kambani yeSeed Co yakaunza chirongwa chinodaidzwa kunzi Seed Co Mobile App icho chichange chichipa varimi ruzivo maringe nenyaya dzekurima vachishandisa nharembozha dzavo uye chinenge chisingavadhurire. Kuburukidza neruzivo urwu, varimi vanokwanisa kubvunza mibvunzo yese maringe nekurima vachiwaniswa mhinduro pekare-pekare,” vanodaro Dr Basera.

 

Share This:

Sponsored Links