Family planning pill: Kwava neevarume

31 Mar, 2022 - 10:03 0 Views
Family planning pill: Kwava neevarume

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

NYAYA yeongororo yemapiritsi ekurera mhuri ayo achange ave kunwiwa nevanhurume yokonzera mitauro apo vanhukadzi vari kurumbidza danho iri asi varume vachipokana nazvo.

Mapiritsi aya anodaidzwa kuti Prototype male pill uye anonzi anobatsira vanhurume kuti vakwanise kurera mhuri nechikamu che99 percent.

Vanamazvikokota vezvesainzi vave padanho repamusoro neongororo pamusoro pemapiritsi iwaya.

Ongororo iyi yakaitwa kumbeva zvikaonekwa kuti anobatsira zvakanyanya pakurera mhuri.

Danho iri rinonzi richabatsira mukuenzaniswa kwemikana panhau yekuwaniswa nzira dzekurera mhuri pakati pevarume nevakadzi.

MuZimbabwe mune nzira nhatu dzekurera mhuri kuvarume dzinoti kurasira mbeu kunze (withdrawal), makondomu nekuchekwa duriro (vasectomy).

Vanhukadzi vanoshandisawo nzira dzakawanda sekunwa mapiritsi ekurera mhuri, kubaiwa majekiseni, kusungwa chibereko (tubal ligation), kuiswa kasimbi kanovhara musuwo wechibereko (intra uterine device (UDI), kuverenga mazuva ekutevera nekuzora mishonga inouraya mbeu kusikarudzi, pakati pezvimwe.

Vachipira zvakabuda mungororo yakaitwa iyi pamusangano weAmerican Chemical Society nemusi weChitatu wadarika, nyanzvi dzesainzi dzakazivisa nezvemapiritsi aya asina mahomoni achabatsira mukudzivirira varume kuti vasaitise pamuviri uye asina ukasha.

Kwayedza inoita hurukuro nevanhu vemazera akasiyana ndokunzwa zvinokunda ngoma kurira.

“Tinofara neruzivo rwuri kuramba rwuchiunzwa nenyanzvi dzesainzi apo vari kuda kuunza mapiritsi ekurera mhuri achange achishandiswa nevarume nekuti zvichabatsira mukuderedzwa kwekuparwa kwemhosva dzekumitiswa kwevana vechikoro, kunyanya nevarume vakuru avo vanozopedzisira vava kuramba kuchengeta vana vacho.

“Dambudziko bedzi randinoona pamapiritsi aya nderekuti vanhu vachazokoshiwa zvekudzivirira HIV saka ndinokomekedza kuti mapiritsi iwayo kana achizenge apinda muno, ashandiswe pamwe nedziviriro yekondomu tichengetedze utano. Saka pachine basa rekuti vanhu vawaniswe chenjedzo,” vanodaro VaKingstone Mushonga vekuNorton.

Mai Tendai Chandipwisa vekuChipinge vanoti kuuya kwemapiritsi aya kuchaenzanisa mikana pakati pevanhurume nevanhukadzi panyaya dzekurera mhuri.

“Semadzimai, pose patinoita pamuviri tisingatarisire, varume vanotituka kuti tinokanganwa sei kunwa mapiritsi. Saka kuuya kwemapiritsi aya kunoita kuti varume vanwewo zvigobatsira kuderedza mhirizhonga, tiri kutoada tibatsirane kurera mhuri,” vanodaro Mai Chandipwisa.

Asi zvinoratidza kuti varume vashoma vari kutambira danho iri.

“Ini handiadi mapiritsi iwayo, kana kune vanoada ngavaashandise zvavo nekuti ini ndagara ndiri munhu akazvibata. Ndakaita vana vangu nemudzimai mumwe chete kusvika ndakwegura kudai. Pamusoro pezvo, ini nemudzimai wangu hatichanyanyi kuita zvebonde uye akatoguma ura,” vanodaro Sekuru Mayimba Katembo (93) vekuNyakaringa kwaMurehwa.

Marvelous Mavhura (36) anoti akazvipira kunwa mapiritsi aya kana achinge auya.

“Sevarume, tanzwa nenyaya dzemendenenzi nekuti vamwe vakadzi vava kutozvitora sebhizinesi rekutiberekera vana kuti vagoita mari nesu. Kutaura kudai ndine nyaya dzemendenenzi ina dzandiri kudaidzirwa kumatare edzimhosva.

“Saka kana ndichinge ndava kunwa mapiritsi ekurera mhuri ndinoziva kuti handizomitisa zvisina tsarukano,” anodaro.

VaTalent Maposa (41) vekuMabvuku muHarare, vanotiwo hazviite kuti vanwe mapiritsi aya nekuti vanoda kuita vana vakawanda.

“Vakadzi ndivo vanozvara nekurwadziwa vachivhiiwa kuzvipatara, saka ivo ngavanwe. Isu varume hapana chatinobva ndokusaka vamwe vedu tisina hanya nekurera mhuri. Tinotoda vana vakawanda zvekuti tinotofara kunzwa kuti pane mwana auya achitsvaga baba vake kumusha nekuti ndizvo zvinoita kuti tinzi tiri varume,” vanodaro.

VaWilliam Sengu (45) vekuChitungwiza vanotiwo madzimai ndiwo anoita pamuviri saka ndivo vanofanira kuanwa.

Kuchiti VaGivemore Matanhire (54) vekuChitungwiza vanoti varume vanogona kuzoda kuita vana kunze saka kana vaine ma“small house” vanozonetswa kana kusekwa vachinzi havabereki nekuti vanenge vachinwira mudzimai wemumba mapiritsi.

VaGivemore Matanhire

Mai Cathrine Makaha (50) vekuEpworth vanoti mapiritsi aya akanaka nekuti anoita kuti varume vasazoramba vachipomerwa nhumbu dzisiri dzavo.

“Kana murume achinwa mapiritsi ekurera mhuri, anokwanisa kuziva nguva yekuitisa mudzimai pamuviri yaanoda zvichienderana nekuwana kwake. Zvakakosha zvakare nekuti mamwe madzimai ane miviri inorambana nemapiritsi saka vanogona kupota vachichinjana nanababa kuti varerukirwe panyaya dzeutano.

“Mapiritsi mazhinji ekurera mhuri anokwidza Bp, kutemesa musoro, kutevera zvakanyanya, kuita muviri wakakura nezvimwe. Saka kuuya kwemapiritsi anonwiwa nevarume kucharerutsira madzimai,” vanodaro.

VaDaniel Dingani (40) vekuEpworth vanotiwo vakomana vechidiki vachawana mikana yekushungurudza vanasikana nenzira yebonde vachitemba kuti vanenge vasisakwanise kuvamitisa apo vanenge vari kutora mapiritsi aya.

VaDaniel Dingani

“Asati auya mapiritsi aya, ngapaitwe ongororo yakasimba nekuti achaunza mhirizhonga mudzimba uye kuvanasikana. Ngapazivikanwe mazera evanhu vakakodzera kutora mapiritsi iwayo uye kuti varume havazoperi simba pabonde here,” vanodaro.

Mai Nyarai Mahachi (52) weKuwadzana Phase 3 muHarare vanotiwo madzimai ngaangoramba achinwa mapiritsi semazuva ose nekuti zvinhu zvitsva zvine njodzi.

Mai Nyarai Mahachi (kurudyi)

“Kunyangwe mapiritsi iwayo akauya munyika muno, zvakangokosha kuti madzimai azvidzivirire pamuviri nenzira dzavari kushandisa kusara kwevaya vanoita zvigozhero nenzira dzekurera mhuri nekuti chokwadi munhu unobara vana vakawanda iwe wakatemba kuti murume ari kunwa mapiritsi nyambisirwa anenge asiri.

“Varume vazhinji havafariri zvekunwa mapiritsi uye vanokanganwa asi mudzimai anorwadziwa nekubara haakanganwi,” vanodaro.

Mai Fortunate Pangeti

Mai Fortunate Pangeti (42) vanoti havanyanyi kugashira zvemishonga inobva kunze kwenyika uye zvakakoshawo kuti Zimbabwe izvigadzirirewo mishonga yayo yainovimba nayo kuitira kana pachinge pazomuka zvigozhero.

Share This:

Sponsored Links