FAO yorumbidza varimi vemuZimbabwe

30 Mar, 2023 - 16:03 0 Views
FAO yorumbidza varimi vemuZimbabwe Cde Vangelis Haritatos

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

CHIKWATA chevashanyi kubva kusangano reFood and Agricultural Organisation (FAO) nevekunyika yeItaly vari kuita hurukuro neHurumende nevarimi maringe nekurima kwemasutso kunosanganisira kushandiswa kwemanyowa nekurimwa kwembesa diki idzo dzinopa utano kuruzhinji.

Vechikwata ichi, vachitungamirirwa nenyanzvi yeFAO – VaMario Marino – svondo rapera vakaita hurukuro nemutevedzeri wegurukota rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa, VaVangelis Haritatos, apo vakatsinhira chisungo chavo chekushanda pamwe neZimbabwe mukusimudzira nyaya dzekurima kune pundutso.

“Chinangwa chedu chikuru muhurongwa uhwu muZimbabwe ndechekutenda basa renyika munyaya dzekuchengetedza nekushandiswa nemazvo kwezviwanikwa mukurima zvirimwa zvose, zvikuru sei zvinotivirira muzuva,” vanodaro VaMarino.

Vanoti mudunhu reSadc, Zimbabwe iri kuita basa guru, kunyanya panyaya dzekuchengetedzwa kwezviwanikwa mukurima.

Mapfunde

Sangano reFAO richasanganawo nevarimi kuti vaone zviri kuitika muchirongwa cheInternational Treaty’s Benefit-sharing Fund icho chine chinangwa chekusimudzira kurimwa kwembesa dzinotivirira muzuva.

VaHaritatos vanoti Hurumende iri mushishi kugadzirisa nyaya dzekuwaniswa kwemichina kuvarimi uye kuona kuti mbeu dzakasiyana dzaendeswa kwavari nenguva.

“Chiitiko ichi chakakosha zvikuru sezvo Hurumende yeZimbabwe yagara ichizvigamuchira kuti nyika irime mbesa diki dzakadai semhunga nemapfunde, kunyanya kumatunhu anowanzoshomekerwa nemvura. Ndicho chikonzero mbeu dzechivanhu dziri kupinda muchirongwa cheHurumende chePresidential Input Programme chinodaidzwa kuti Pfumvudza/Intwasa,” vanodaro.

VaHaritatos vanokurudzira varimi kuti varimewo mbeu dzakauchikwa kuti vavandudze goho ravo.

Share This:

Sponsored Links