Kwayedza

Femerenga Kateguru

NDINE makore 38 okuzvarwa, ndichibva mumusha waSabhuku Chimushonga kwaGomo, kuMt Darwin. Ndiri munhu asina shungu nezvizhinji. Ndinofarira zvekurima ndichibatsirana nevabereki vangu sezvo ndisina mudzimai. Mukadzi wangu akanditiza zvose nevana vangu vana ndokuenda nechikomba makore mashoma akadarika. Ndinoda kuziva murume akaita hutsinye hwekutiza nemukadzi wangu uyu. Iyi inyaya inondirwadza zvikuru nekuti iye zvino ndave tsvimborume.

Ndinoda kuyambira varume kuti ngavapote vachitsvaga madzimai avo voga kwete kuchiva vevamwe sezvandakaitirwa izvi.

Pachikafu ndinofarira mazondo akanyatsoibva nekasadza katete-tete. Ndinofarira zvakare chingwa chemupotohayi kana chemuchitoro chakawanda mafuta. Ndinoda kugara matare nevanhu vakuru, zvikuru madzibaba nemadzisekuru emumusha kuitira kudzidza tsika dzechivanhu dzakanaka. Ndinonwa doro nguva yandinenge ndakazorora, ndinonakirwa nedoro rematanda. Ndinoyambira vechidiki kuti vazvibate miviri yavo zvakanaka uye vopotewo vachishambidzika nguva dzose.