‘FIFA neCAF dai matinyarawo’

10 May, 2023 - 17:05 0 Views
‘FIFA neCAF dai matinyarawo’ Maronga Nyangela

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yekumbonetsa munhabvu ichitambira Black Rhinos – Maronga “Bomber” Nyangela – ari kutsutsumwa kuti zvirango zvakatemerwa nyika inoi neFIFA neCAF zviri kuvakanganisa sevarairidzi sezvo vari kusarira kumashure pakudzidza zvitsva mumutambo uyu.

Zimbabwe yakatemerwa zvirango neFIFA neCAF zvekuti isakwikwidze mumitambo mikuru zvichitevera danho rakatorwa nesangano rinoona nezvemitambo muno reSports and Recreation Commission (SRC) rekumisa basa bhodhi reZIFA raitungamirirwa naFelton Kamambo nemhosva yekutadza kuita basa nemazvo.

Zichitevera kutanga kwemwaka mutsva wenhabvu wa2023 mwedzi wadarika, Bomber anoti zvinofadza hazvo kuti nhabvu iri kutamba munyika, asi nyika iri kusara kumashure panyaya dzemutambo uyu kusvikira zvirango zveFIFA neCAF zvabviswa.

Anoti sevarairidzi, vari kusarira kumashure pazvidzidzo zvitsva zvekufundisa mhando yenhabvu yepamusoro nekuda kwezvirango zvatakatemerwa Zimbabwe neFIFA neCAF.

“Mwaka wenhabvu wegore rino uri kufadza chose nekuti zvikwata zvedu zviri kutamba nhabvu yepamusoro inoyemurika nekuti nhabvu yedu yakambenge yakanganiswa neCOVID-19, saka iye zvino vave kuwana nguva vari vose izvo zviri kuoneka kuti vatambi vari kunyatsodzidziswa.

“Varairidzi vari kuita basa ravo nemazvo asi chinhu chimwe chete chatiri kuchemera ndechekuti dai CAF yatinzwirawo tsitsi yabvisa zvirango zvayakatitemera nekuti zviri kutitadzisa kuti tienderere mberi nezvidzidzo zvedu.

“Sevarairidzi, tinoda kugara tichidzidza tichiwana magwaro matsva ekurairidza nhabvu pamwe nekuwana ruzivo rwepamusoro zvigotibatsira mukusimudzira nhabvu yemuno. Nguva nenguva tinofanirwa kunge tichienda kunoita zvidzidzo izvi, asi nekuda kwezvirango zvatakatemerwa, hatisi kukwanisa kuviita izvo zviri kutidzorera kumashure,” anodaro Bomber.

Kunyangwe zvazvo achiti havasi kukwanisa kufambira mberi nezvidzidzo zvavo nekuda kwezvirango zvakaiswa neCAF neFIFA, Nyangela anoti semurairidzi nevamwe vake, vari kupota vachiverenga padandemutande vachizvidzidzisa kuti vafambirane nenguva pakurairidza nhabvu. Asi anoti izvi hazvizofanana nekunyatsoenda kunoitiswa zvidzidzo.

Maronga Nyangela

“Ndiri kupota hangu ndichienda padandemutande ndichiverenga ndichidzidza pandinenge ndawana nguva kuitira kuti ndifambirane nevamwe paruzivo.

“Asi zvakasiyana zvikuru nekuti zvidzidzo zvinoda mune vamwe apo munenge muchifundiswa muchiratidzwa mafambiro enhabvu (practical) muri munhandare.

“Magwaro eCAF aya akaita seCAF A, B, C kana usina, kunyanya CAF A, haukwanise kurairidzi nhabvu muPremier Soccer League yemuno saka akakosha zvikuru kuve uinawo,” anodaro.

Bomber mumwe wevatambi venhabvu vaive nemukurumbira pakuzunza mambure izvo zvakambomuona achinwisa ka30 mumwaka mumwe chete achitambira Black Rhinos akahwina mubairo wegolden boot mugore ra1987 apo akanwisa ka29.

Mazuva ano Nyangela, uyo anoyera Mbizi ari Samaita, ari kurairidza nhabvu pachikoro cheBudiririo 2 High kuchikwata chinonzi Budiriro Academy icho chinokwikwidza muHarare Province Junior Football Development League.

Chikwata chake chine mazera anoti Under-10, 12, 14, 16 ne18.

Share This:

Sponsored Links