‘Fifa yativhiringa’

02 Sep, 2022 - 13:09 0 Views
‘Fifa yativhiringa’ Tatenda Mkuruva

Kwayedza

Abel Ndooka

MUBATI wepagedhi wemaWarriors neMichigan Stars yekuUnited States of America – Tatenda ‘Marshall’ Mkuruva – ari kutsutsumwa kuti zvirango zvakatemerwa Zimbabwe neFifa zvadzosera kumashure zvakanyanya kusimukira kwevatambi vechidiki.

Achinyora papeji rake reFacebook, Mkuruva anoti vatambi venhabvu vechidiki vakawanda vane chido chekusimudzira matarenda avo kuburikidza nekuwaniswa mikana yekunotambira kunze kwenyika kumaligi akaita sekuEurope nekuAmerica asi izvi hazvisi kukwanisika pari zvino nekuda kwezvirango zvakatemerwa Zimbabwe neFifa.

Mkuruva anoti yave nguva yekuti hutungamiri hwenhabvu nevese vane chekuita nenyaya iyi vagare pasi vataurirane kuti mamiriro ezvinhu aya agadziriswe.

“Vatambi venhabvu vari kurasikirwa nenguva nemikana yekuti vaonekwe pasi rese kuti vafambire mberi mumutambo uyu.

“Senyika, tinosvika kure sei munyaya dzenhabvu kana remangwana revechidiki riri kukanganisika nezvinhu zvinogona kugadzirisika nyore?” anodaro Mkuruva.

Zimbabwe pari zvino haisi kukwanisa kukwikwidza mumitambo yenhabvu nedzimwe nyika nekuda kwezvirango zvayakatemerwa neFifa pamwe neCAF.

Izvi zvinotevera kudzingwa basa kwakaitwa mutungamiriri weZifa, Felton Kamambo, pamwe chete nebhodhi raaitungamira neSports and Recreation Commission (SRC) vachipomerwa mhosva yekusaita basa ravo nemazvo.

Kamambo akabva atsiviwa naGift Banda uyo aive mutevedzeri wake asi ainge ambomiswa basa zvakare naKamambo.

Muhurukuro neKwayedza nguva pfupi yadarika, Banda anoti bhodhi ravo rine chivimbo chikuru chekuti zvirango zvakatemerwa Zimbabwe neFifa pamwe chete neCAF zvichabviswa.

Anoti pari zvino vari pakati pekuita hurukuro nemasangano maviri aya vachionesana gwara rekufamba naro.

Banda anotiwo zvirango izvi zviri kuvapa mukana wekugadzirisa zvinhu zvakawanda zvainge zvakakanganisika munhabvu yemuno, kusanganisira nhandare idzo dzinofanirwa kuvandudzwa kuti dzisvike padanho rinotenderwa kuti dzigotambirwa mitambo mikuru.

“Hakuna nyika inopihwa zvirango zvoramba zviripo, zvinotobva chete.

Saka isu neFifa neCAF tiri kuita hurukuro uye ticharamba tichiita hurukuro tichionesana navo patinenge tasvika panyaya iri kunetsa munhabvu yedu yemuno.

“Zvirango izvi zvatipawo mukana wekuti tigadzirise zvange zvakakanganisika zvakawanda munhabvu yedu,” anodaro Banda.

Share This:

Sponsored Links