Uncategorized

First Lady vounza budiriro

22 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
First Lady vounza budiriro First Lady Amai Auxillia Mnangangwa

Kwayedza

Tendai Rupapa
MUDZIMAI wemutungamiri wenyika, First Lady Amai Auxillia Mnangagwa, vanoti vakatanga mabhindauko akasiyana ekusimudzira raramo yevanhu vekumaruwa ayo anosanganisira kupfuya mbudzi nekurimwa kwembesa diki.

Mabhindauko aya achatungamirirwa nemadzimai emadzimambo.

Nemusi weChishanu svondo rapera, Amai Mnangagwa vakaita musangano nemadzimai emadzimambo kuState House apo pakakurukurwa nezvenyaya iyi.

Madzimai emadzimambo akaudza Amai Mnangagwa pamusoro pematambudziko akatarisana nevanhukadzi, vanasikana nevechidiki munharaunda dzavanogara.

Amai Mnangagwa, avo vanove patron wesangano rinobatsira vanoshaya – reAngel of Hope Foundation – vakavimbisa ruyamuro pamatambudziko ari kusanganikwa nawo.

“Ndichaona kuti sangano rangu rave nemabandiko mupurovhinzi imwe neimwe,” vanodaro.

“Mabandiko anenge ari kumapurovhinzi aya achange achiudzwa zvekuita kubva kumuzinda vachishanda nenharaunda.

“Ngatishandei pamwe chete mukubatsira nharaunda dzedu. Munofanira kuva murimowo mumabhindauko aya. Ndimi ngirozi dzetariro (Angels of Hope) pachezvenyu. Ndiri kuzotanga purojeti yekuchengeta mbudzi. Ndichaitanga nemi,” vanodaro.

Amai Mnangagwa vanoti kuvepo kwemadzimai emadzimambo mumabhindauko aya kuchaita kuti vakwanise kuzadzikisa chiono chavo chekubatsira vanoshaya munharaunda dzakasiyana.

Vanovakurudzira kuti vashande nenharaunda mukukurudzira kubatana, runyararo, rudo nebudiriro.

Amai Mnangagwa vakapa madzimai emadzimambo mbeu yembesa diki kuti vawedzere pachirongwa cheZunde raMambo.

“Tose tine chekuita mukusimudzira budiriro yenharaunda dzedu,” vanodaro.

“Ndinoda kushanda nemi mukubatanidza magariro evanhu, mukupedza nyaya dzekuroodzwa kwevanasikana vasati vabva zera, nyaya dzekubatwa chibharo, mhirizhonga yemudzimba, kuchengetedzwa kwenharaunda yakachena nekuwaniswa kwezvekudya zvinokwanirana nekupedzwa kwenyaya dzechipfambi.

“Ndinokukurudzirai mose kuti mushande nemapurisa uye nekumhan’ara zvose zvinenge zvichiitika munharaunda dzenyu zvinoda vanoona nezvekuchengetedzwa kwemutemo,” vanodaro.

Musangano uyu wakaitwa zvichitevera chikumbiro chemadzimambo avo vari kuda kuti Amai Mnangagwa vashande nemadzimai avo munyaya dzine chekuita nekusimudzira upenyu hwemwanasikana, pakati pezvimwe.

Vachitaurawo vakamirira madzimai emadzimambo, Amai Priscilla Charumbira – mudzimai wemukuru wemadzimambo munyika (president of the Council of Chiefs) Mambo Fortune Charumbira — vanotenda Amai Mnangagwa nekuda kwemabhindauko aya.

Vanoti zvirongwa izvi zvichabatsira zvikuru mukusimudzira raramo dzenharaunda dzavanobva.

 

Onai mufananidzo paPeji 10

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>