Fodya yakarimwa shoma: timb

23 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
Fodya yakarimwa shoma: timb KAMBANI yeTobacco Industry Marketing Board (TIMB) inoti mahekita akarimwa fodya mwaka wa2017 kusvika 2018 mashoma kana zvichienzaniswa nemwaka wadarika zvichikonzerwa nezvimhingamipinyi zvakasiyana.

Kwayedza

Kingstone Mapupu
KAMBANI yeTobacco Industry Marketing Board (TIMB) inoti mahekita akarimwa fodya mwaka wa2017 kusvika 2018 mashoma kana zvichienzaniswa neemwaka wadarika zvichikonzerwa nezvimhingamipinyi zvakasiyana. Mutauriri wekambani iyi, VaUsheunesu Moyo, vanoti minda yakarimwa fodya mwaka uno yakatandavara mahekita 104 397 kana zvichienzanswa ne110 518 emwaka wapera.

“Tinotarisira kuwana fodya shoma mwaka uno ichaendeswa kumisika yedu inotenga fodya nekuda kwekuti fodya yakarimwa nevarimi vedu ishoma. Mwaka uno takadyara minda yefodya yakatandavara mahekita 104 397 munyika yose kubva kuvarimi vadiki nevakuru vanoita zvekurima vachidiridzira nevemvura yekudenga inova yekunaya,” vanodaro VaMoyo.

Vanoti mwaka wekutengeswa kwefodya wa2018 wave pedyo nekutanga.
“Mumwaka wa2016 kusvika 2017, varimi vedu vakadyara minda yefodya yaiva yakatandavara mahekita 110 518 zvinorakidza pachena kuti fodya yatakarima mwaka uno yakadarikwa neyenguva yapera iyi. Pane zvakakonzera zvakawanda kuti minda iyi idzikire zvinosanganisira kuti vamwe varimi fodya yavo haina kuita zvakanaka mumwaka uno uyewo nekunetsa kuwana kwezvekurimisa,” vanodaro.

Vanoti vari kushanda nebazi rinoona nezvekurima nemamwe mapazi anobatsira munyaya dzekurima nevemisika yefodya kuti vasimudzire chirimwa chefodya.

“Tiri mubishi kuti varimi vedu vashandise mvura yemumadhamu – angava madiki kana makuru – kuti tirime fodya tichidiridzira. Tikadaro tinosimudzira kurimwa kwefodya, fodya yakarimwa muminda yekudiridzira mumwaka wa2017 kusvika 2018 inokwana mahekita 15 779 kuchitiwo yakarimwa ichiita zvekunaiwa nemvura yekudenga mahekita 88 618,” vanodaro.

VaMoyo vanoti kune mvura yakawanda isiri kushandiswa inoda kuti varimi vakwanise kushandisa mumabasa ekudiridzira.
Vanoti vanorumbidza zvikuru varimi vekudunhu reMashonaland West Province nekuda kwekutungamira munyaya dzekurima fodya mumwaka uno.

“Dunhu reMashonaland West ndiro riri pamusoro pakurima fodya uko varimi vakarima minda yakatandavara mahekita 34 956, kuchitiwo dunhu reMatebeleland South rinongova nevarimi vaviri chete vefodya rinova riri pasi munyika ino yose,” vanodaro.

Varimi vakarima fodya mwaka uno vanosvika 118 048 avo vakanyoresa neTIMB uye 33 574 vavo vanove vatsva.
“Izvi zvinorakidza kuti varimi vedu vari kurima fodya vari kuwanda zvosiyana zvakare nekuti minda yacho iri kuzoderera, kureva kuti vamwe varimi vari kuzorima minda midiki zvikuru. Tichitarisa mumwaka wa2016 kusvika 2017, varimi vedu vefodya vakanyoresa vaiva 82 183,” vanodaro VaMoyo.

Panyaya yekuti mwaka wekutengeswa kwefodya uchatanga riinhi, vanoti vakamirira kunzwa kubva kubazi rinoona nezvekurima kuti rigotara mazuva aya.

“Tine varimi vazhinji vari kupisa fodya vatova nefodya zhinji yakatsva iyo yatomirira kutengeswa,” vanodaro.
Vanoyambira varimi vefodya kuti pakugadzira mabhero ngavasaita chitsotsi chekuisa zvimwe zvinhu kuti iwane makgs akawanda pakurema sezvo zvinobatwa chete fodya yavo yotorwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>