Fodya yatanga kukohwewa

17 Jan, 2023 - 14:01 0 Views
Fodya yatanga kukohwewa Kukohwewa kwefodya yemadiridziro neyakarimwa pachishandiswa mvuya yekunaya kwatanga kunzvimbo zhinji munyika.

Kwayedza

Samuel Kadungure

KUKOHWEHWA kwefodya yemadiridziro neyakarimwa pachishandiswa mvuya yekunaya kwatanga kunzvimbo zhinji munyika.

Nyanzvi dzekurima dzinoti fodya yakarimwa zvakanaka nekudaro varimi vane tarisiro yegoho repamusoro zvichaita kuti vawane mari inofadza kumusika.

Fodya yemadiridziro yakadyarwa pakati paGunyana naGumiguru zvikaita kuti iwane mvura yakaringana yekuti ikure zvakanaka sezvo mvura yakanga yatanga kunayawo.

Mutauriri wekambani yeTobacco Industry Marketing Board (TIMB), Muzvare Chelesani Moyo, vanoti varimi vakatanga kudyara vave kutokohwa.

“Ichokwadi kuti fodya yemadiridziro yatanga kukohwewa kunzvimbo dzose munyika zvose neyakakudzwa nemvura yekunaya,” vanodaro.

Fodya

Fodya chimwe chezvirimwa zvakakosha muZimbabwe zvinounza mari kuvarimi uye ichitengeswa kunze kwenyika.

Mahekita anosvika zviuru zvishanu akarimwa fodya pasi pemadiridziro kuManicaland uye mahekita zviuru gumi nezvisere akarimwa pachishandiswa mvura yekunaya.

Nyanzvi yezvekurimwa kwefodya kuAgriculture Advisory and Rural Development Services (AARDS), VaDouglas Nzarayebani, vanoti kukohwa kwatanga kumatunhu anosanganisira Makoni, Mutasa neMutare.

“Fodya yakatanga kurimwa yave kuibva uye varimi vave kukohwa nekuiomesa. Varimi vazhinji vakatotanga kukohwa kwaMakoni kunova kunorimwa fodya zvakanyanya uye kwaMutare nekwaMutasa.

“Vamwe varimi vave kukohwa mashizha epamusoro,” vanodaro VaNzarayebani.

Kurimwa kwefodya kunoda kushanda zvakanyanya uye kunoburitsa mari yakawanda zvichienderana nekunaka kwemashizha acho izvo zvinoitawo kuti varimi vane fodya yakanaka vawane mari inofadza kumusika.

Kunyange zvimwe zvirimwa zvakaita sedonje nechibage zvakakosha kuvarimi vekumaruwa nevakagariswa patsva neHurumende, vazhinji vave kusarudza kurima fodya inokudzwa nemvura yekunaya iyo inoita kuti vawane mari yakawanda kana yarimwa nemazvo.

“Fodya yakadyarwa munaGunyana inova nguva inoita kuti tiwane goho rakanaka uye mashizha akanaka.

“Mvura yanga ichinaya zvakanaka pasina chakaipa chakakanganisa fodya. Panyaya yefodya yemadiridziro, tiri kutaura nezvevarimi vagara munyaya dzekurima vanoziva nzira dzakanaka dzekurima nekuongorora chirimwa pakukura kwacho vachishandisa ruzivo rwetsvagurudzo dzakaitwa,” vanodaro.

VaNzarayebani vanoti fodya yakarimwa nemvura yekunaya yakanaka.

Varimi vanodarika 180 000 vakanyoresa kurima fodya munyika mwaka uno uye chikamu chinodarika 95 percent chiri kurima pasi pechirongwa chemakondirakiti.

“Fodya inorimwa nemvura yekunaya iri kuratidzika zvakanaka uye iri kuwana zvose zvinoita kuti ikure zvakanaka. Fetireza yagara iripo nechekare kuzvitoro, varimi vanokurudzirwa kuisa masaga 12 kusvika 14 eCompound C pahekita imwe chete.

“Havafaniri kuita mudimbudzirwa nekuisa fetireza shoma nekuti mashizha anenge asina kusvika zvakanaka pakukura nekunaka kwawo zvinozoita kuti iderere mutengo kumusika.

“Tinokurudzira varimi kuti vashandise nzira dzakanaka dzekurima pakuisa fetireza, kubvisa sora uye kuti chirimwa chive nemashizha anotenderwa. Vanofanira kushandisa mishonga chaiyo yefodya pakuuraya tumbuyu,” vanodaro VaNzarayebani.

VaDavid Guy Mutasa, vanova mutevedzeri wasachigaro weTobacco Association of Zimbabwe (TAZ), vanoti kukohwa kwakatanga munaZvita uye vamwe varimi vave kukohwa kechipiri.

TIMB yave nenzira itsva dzekunyoresa varimi zvinoita kuti vasiri kurima vabviswe sezvo vachikonzeresa kusafamba zvakaka kwezvinhu muchikamu chekurimwa kwefodya.

Share This:

Sponsored Links