Fodya yatengeswa inokosha US$140 m

17 May, 2019 - 00:05 0 Views
Fodya yatengeswa inokosha US$140 m Dr Andrew Matibiri

Kwayedza

Kingstone Mapupu
FODYA yakatengeswa kumisika yakasiyana kubvira kutanga kwemwaka wekutengesa chirimwa ichi makgs 78 144 139 ayo anokosha US$140 275 854 asi ishoma kana zvichienzaniswa neyaive yatengeswa panguva imwechete iyi gore radarika.

Panguva imwechete iyi mumwaka wadarika, fodya yaiva yatengeswa makgs 106 123 706 ichikosha  US$305 449 304.

Kambani yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) inoti kusvika parizvino mari yepamusoro yatengeswa fodya i$5,60 pakg uyewo yepasi-pasi iri $0,10c.

Panguva imwechete iyi mumwaka wadarika, fodya yakatengeswa nemari yepamusoro yaiita $6,25 pakg uyewo yemari yepasi-pasi yaiva $0-10c.

Chamangwiza weTIMB – Dr Andrew Matibiri – vanoti vamwe varimi vari kuenda kumisika nefodya yavo vasina magwaro akakwana zvinoita kuti inonoke kutengwa.

“Tinogara tichikurudzira varimi vedu vefodya kuti vagadzirire zvose zvinodiwa vasati vaendesa fodya yavo kumisika izvo zvinorerutsira iye murimi nemisika inotengesa fodya iyi. Varimi vasina ruzivo ngavaende kuvashandi nyanzvi veTIMB vanowanikwa pose-pose pamisika votaura navo vopihwa mazano azere,” vanodaro.

Zvakadai, mabhero efodya akarambwa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana kumisika yose anokwana 62 002 ayo akadzoserwa kuvarimi vachinzi vagadzirise zvaidiwa kuti vazodzokera kunoatengesa zvakare.

“Varimi vedu imwe nguva vanoramba vachidzokorora dzimwe tsika dzavanoita pakuita gadziriro yavo yekunotengesa fodya kumisika. Fodya inenge isingakodzere kutengeswa inombomiswa pachigadziriswa zvinodiwa,” vanodaro Dr Matibiri.

Misika inotengesa fodya inosanganisira Boka Tobacco Auction Floors (BTF), Tobacco Sales Floor (TSF) nePremier Tobacco Auction Floors (PTF).

Managing director weBoka Tobacco Auction Floors – Mai Chido Nyakudya – vanoti varimi vari kuuya nefodya yakawanda.

“Varimi vedu vambenge vakachengeta fodya asi iko zvino vave kuuya nayo sezvo vanga vachitarisa kukwira kwemitengo. SeBoka, tinoramba tichibata varimi vedu zvakanaka kunyangwe paine matambudziko atinombotarisana nawo,” vanodaro.

VaPhilemon Mangena – avo vanova managing director wePremier Tobacco Floors – vanoti basa rekutengeswa kwefodya riri kufamba zvakanaka zvikuru.

“Kumusika wedu fodya yave kuwedzera kuuya kubva kuvarimi kana tichienzanisa nemazuva adarika. Varimi vazhinji vave kutengesa fodya yavo sezvo vatarisana nekugadzirira kurima zvimwe zvirimwa,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa munyika Assistant Comissioner Paul Nyathi vanoti varimi vefodya vanofanira kungwarira makoronyera anogona kuvabira mari yavo kana kuvatengesera zvinhu zvinenge zvakabiwa.

“Varimi vedu tinoramba tichivakurudzira kusadyidzana nevanhu vavanosangana navo mumigwagwa nekuti vanokwanisa kubirwa mari yavo kana kutengeserwa zvinhu zvakafa dzingava motokari kana zvimwe zvakabiwa,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links