Fodya yopedziswa kutengeswa

12 Jul, 2021 - 11:07 0 Views
Fodya yopedziswa kutengeswa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MWAKA wekutengeswa kwefodya wasvika kumagumo apo misika ichavhara nemusi weChitatu svondo rino uye fodya yekupedzisira iri kutarisirwa kupinda pamusika neChipiri chino.

Misika yemakondirakiti ichaenderera mberi nebasa kusvika varimi vazoziviswa.
Tobacco Industry and Marketing Board inoti ichapedzisa kutenga fodya mumwedzi waNyamavhuvhu.

“Vatengesi vefodya vose avo vari kugadzirira kuzoiunza kumisika vanokurudzirwa kuti vachipedzisa kuisarudza nekuiisa mumabhero nemusi weMuvhuro 12. Musaridzirwa wefodya uyo unozopedzisira kutengeswa kumisika (clean-up sale) mumwaka wekutengesa wegore ra2021 kuchaitwa nemusi wa05 Nyamavhuvhu zvichifambirana nehuwandu hwefodya inenge yaunzwa kumisika uye chirongwa ichi chichaitwa kwezuva rimwe chete kana kupfuura kusvika fodya yose yatengwa.

“Nokuda kwekuti fodya yakawanda ichiri kutambirwa, varimi vari mumakondirakiti vanokwanisa kuramba vachitengesa kusvika pazoiswa chiziviso,” inodaro TIMB.

Mwaka wekutengesa fodya wakatanga nemusi wa7 Kubvumbi apo vemakondiratiki vakazovhura muzuva raitevera.
Mwaka wese uyu, fodya yakawanda yanga ichitengeswa kumisika yemakondirakiti apo misika yema”auction floors” yakatambira fodya shoma.
Nemusi wa7 mwedzi uno, fodya yose yakatengeswa kubvira pakatanga mwaka wekutengeswa kwefodya yaive 183,7million kg inokosha US$507 miriyoni.

Gore rino huwandu hwefodya yatengeswa hwange hwakawanda zvichienzaniswa negore rapera apo 158 kg dzefodya dzakatengeswa neUS$391.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>