‘Fourth wave’ yodzivirirwa

17 Nov, 2021 - 16:11 0 Views
‘Fourth wave’ yodzivirirwa Senator Monica Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

HURUMENDE yawedzera matanho ekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 nemamwe masvondo maviri nechinangwa chekusimbaradza chirongwa chekubaiwa kwevanhu nhomba senzira yekudzivirira kunyuka kwedenda iri kechina (fourth wave).

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet nemusi weChipiri, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti vanhu vasati vabaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere ichi zvakakosha kuti vabaiwe.

“Cabinet inoda kuzivisa nezvekuwedzerwa kweLevel 2 lockdown nemamwe masvondo maviri kuitira kuti vanhu vose vabaiwe majekiseni nechinangwa chekudzivirira nyika kubva kunjodzi yekunyuka kwechirwere ichi kechina,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoti Zimbabwe yakatambira mamwe majekiseni 435 600 nemusi wa5 Mbudzi izvo zvakabva zvaita kuti huwandu hwemajekiseni asvika munyika pari zvino huende pa13,258 miriyoni.

“Hurumende inotora mukana uno kuvimbisa nyika kuti majekiseni mazhinji achiri nemakore akawanda asati apera nguva yawo yekushanda,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoti matanho ari kutorwa neHurumende mukurwisa chirwere cheCovid-19 ari kushanda zvikuru zvichitevera kudzikira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa uye nekufa nedenda iri nokudaro veruzhinji vanokurudzirwa kuti vasavarairwe asi kuti varambe vachikoshesa kutevedzera matanho aya.

“Matanho ari kutorwa nenyika kurwisa kupararira kwechirwere ichi ari kuramba achibatsira zvikuru sezvo denda iri riri kukwanisa kudzivirirwa.

“Zvisinei, Hurumende inoramba ichikurudzira vanhu kuti vatevedzere zvizere matanho akatarwa nenyika pamwe nesangano reWorld Health Organisation (WHO) ekurwisa denda reCovid-19 uye nekuti vabaiwe nhomba sedanho rekudzivirirawo kunyuka kwechirwere ichi kechina (fourth wave),” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoti chikamu che96 percent chevarwere vedenda iri vari kupona.

“Huwandu hwenyaya dzechirwere ichi muzvikoro huri kudzikira. Huwandu zvakare hwevarwere veCovid-19 vanoda kupihwa mibhedha muzvipatara huri kudzikirawo, apo pasina vari muchikamu chevanorwara zvakanyanya (intensive care unit),” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 133 505 vange vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa kubvira pakatanga denda iri munaKurume gore rapera muZimbabwe.

Pavarwere ava, 128 337 vakatopona asi vamwe 4 698 vakafa.

Kusvika musi uyu zvakare, vanhu 3 514 286 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzivirira chirwere ichi apo 2 712 979 vange vabaiwa echipiri (2nd dose)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey