Fury otatsurana naWilder

10 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Fury otatsurana naWilder Tyson Fury

Kwayedza

TYSON Fury anoti vakanyorerana pasi chibvumirano nevamiriri vaDeontay Wilder kuti vaviri ava vagorwe mumutambo weheavyweight muna Zvita kuLAs Vegas.

Puromota wemutambi uyu, Frank Warren, uyo anozivikanwa saGypsy King akataura svondo rino kuti mapoka maviri aya ange ari muhurukuro uye Fury ane chivimbo chekuti mutambo uyu uchabvumidzwa kuti uenderere mberi asi hunge kana akahwina mutambo wake wechipiri apo achasangana naFrancesco Pianeta mwedzi uno.

“Zvave kuitika manje, hunge ndikakunda Pienata,” Fury akaudza Behind The Gloves.

Deontay Wilder

“Handizive kuti iye achazvifambisa sei kana akawana mumwe mutambo pakati apa kana kuti kwete asi anofanirwa kuhwina mutambo wake wekuBrazil kana zvichiita, chochizotsva pakati pedu manje.

“Ndinongovimba kuti ticharonga mutambo mukuru, wekumberi uyo uchafadza vatsigiri vedu.”

Unified heavyweight champion Anthony Joshua aiedza kudhonza Wilder uyo ane bhande reWBC kuti varwe mumutambo mukuru une mari zhinji wekurwira mabhande ese. Asi hurukuro dzavo hadzina kubudirira sezvo Eddie Hearn akati zvaidiwa naWilder chizvarwa chekuAmerica zvange zvisingatambirike.

Asi, Fury anoti chibvumirano chekuti arwe  naWilder chakabudirira mushure memazuva maviri vatanga hurukuro dzacho.

“Zvange zviri nyore kuronga mutambo uyu,” Fury akawedzera. — SportsMail Boxing

Share This:

Sponsored Links