Gadhi abatwa paCCTV achiba

01 Sep, 2022 - 17:09 0 Views
Gadhi abatwa paCCTV achiba Dare

Kwayedza

Mashudu Mambo

NDIANI acharinda murindi?

Mubvunzo uyu wakavepo zvichitevera nyaya inonyadzisa yemurume ane makore 20 ekuberekwa uyo anoshanda semurindi asi ndokuonekwa pamakamera (CCTV) achiba doro kuBurnside, kuBulawayo.

Izvi zvakabuda apo Mkhokheli Moyo akamiswa mudare reBulawayo Magistrate Courts pamberi pemutongi VaBusani Sibanda nemhosva yekuba hwahwa.

Moyo anobvuma mhosva yake ndokutemerwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi mitanhatu.

Mutongi akazosendeka mwedzi mitatu pachirango ichi paine chitsidzo chekuti anofanirwa kuzoita hunhu hwakanaka.

Mimwe mwedzi mitatu yainge yasara yakaiswa padivi zvakare paine chitsidzo chekuti Moyo anofanirwa kubhadhara faindi ye$10 000.

Dare rakaudzwa kuti nemusi wa6 Nyamavhuvhu gore rino, Moyo akaba 12 x 330 milliliters dzedoro remhando yeginger beer ne12 x 330 milliliters dzesavannah beer pane imwe imba iri kuBurnside.

Doro iri raive mugazebo yakapfirirwa hehuswa.

Midzimu yaMoyo yakadimbura mbereko apo akaonekwa paCCTV achiba doro iri zvikaita kuti asungwe.

Share This:

Sponsored Links