‘Gadzirai kudya kwezvipfuyo’

29 Nov, 2023 - 16:11 0 Views
‘Gadzirai kudya kwezvipfuyo’ Mombe dzakanyura mumadhaka dzichitsvaga mvura yekunwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

ZVICHITEVERA kunaya kuri kuita mvura zvisina tsarukano mwaka uno, varimi vanochengeta zvipfuyo vari kukurudzirwa kuti vazvitsvagire mvura yekunwa nechimwe chikafu kuti zvisafe nenzara sezvo nzizi nemadhamu mazhinji zvave kusvika pakuoma uye mafuro ave mashoma.

Kurudziro iyi yakapihwa naDr Josphat Nyika, avo vanova chief director kubazi reDepartment of Veterinary Services, vachiti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kana kuchitariswa mamiriro ekunze nemvura yekuti zvipfuyo zvinwe nechikafu chacho.

“Nyaya yekunonoka kunaya kwemvura mwaka uno yakagozha zvikuru kwatiri sevarimi nekuti zvinhu hazvisisina kumira zvakanaka. Mumadhamu nemunzizi mvura hamusisina, zvipfuyo zvedu zvava kufamba nzendo refu kunotsvaga mvura yekunwa uko dzimwe mombe dzinosvikony’ura mumadhaka dzofira ikoko.

“Saka tinoti vane mikana ngaticheresei zvibhorani zvakadzika zvinobatwa mvura inokwanira toraramisa zvipfuyo zvedu,” vanodaro Dr Nyika.

“Zvine hungwaru kune varimi vane mombe dzakawanda kutengesa dzimwe mocheresa zvibhorani, moisa matangi emvura pamisha yenyu nekumafuro kana zvichiita modiridzira huswa hwemusango nekurimawo sora rezvipfuyo rinokurudzirwa nevarimisi. Pamusoro pazvo varimi vogadzirawo kudya kwezvipfuyo nehuswa hwavanowana mumasango nekushandisa zvirimwa zvakawora nezvimwe, kana kutenga kudya uku.”

Dr Josphat Nyika

Vanoti inyaya yakakosha kuti varimi vezvipfuyo vagadzire mapadhoku anokomberedzwa newaya anochengetedza bundo rinozodyiwa nemombe nezvimwe zvipfuyo.

“Kune varimi vakachengetedza mashanga mumatara, tinokurudzira kuti vatenge sauti nemanyuchi topa mombe dzedu kunyange mbudzi nemakwai nemadhongi kana zvimwe zvipfuyo. Nguva yatiri yakaipa inoda kuti tikurumidze kuchengetedza zvipfuyo zvedu,” vanodaro.

Dr Nyika vanokurudzirawo kune vane matsime kuti vachere adzike zvinoita kuti varambe vachiwana mvura inovakwanira pamwe chete nezvipfuyo zvavo.

“Mvura upenyu inodiwa nesu sevanhu nezvipfuyo saka ngatigadzirirei nguva isati yapera torega kurasikirwa nezvipfuyo zvedu. Ngatisakanganwei kunodhibhisa mombe dzedu mumasvondo maviri oga-oga kana kufirita nepombi tichipihwa mazano nevarimisi vedu vekumatunhu kwatiri,” vanodaro Dr Nyika.

Kupa mombe kudya

Vanoti mombe nezvimwe zvipfuyo ngazvibaiwe majekiseni ekudzivirira zvirwere zvakasiyana.

MuZimbabwe, vanodaro Dr Nyika, mune mombe dzinodarika 5 miriyoni zvichitevera kufa kwadzakamboita makore akadarika.

“Makore mashoma akadarika, nyika yakarasikirwa nemombe dzinokwana 500 000 hunova huwandu hunotyisa hunodzosera budiriro kumashure saka hatidi kudzokorora dambudziko rakadai nekuti mombe dzedu ipfuma uyewo ibhanga,” vanodaro Dr Nyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey