Gadzirira pachine nguva

10 Jan, 2020 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga

ZVIPO zvakadirana munguva yeKisimusi uye mbatya itsva dzakapfekwa. Iyo mimhanzi yakadandaurwa. Kwaisadanwa ainzwa akadavira.

Vakuruwo vaiitawo zvezera ravo apo vamwe vaikoriwa nemhamba. Vamwewo vaitora mhuri dzavo nokuenda kumamisha kunofara nehama neshamwari. Gore idzva rakarindirirwa vanhu vakafara vachipinda muna 2020.

Asika, chimwe nechimwe chine nguva yacho. Nyaya yedu yechikororo inodzokazve yotibata tichibva mukuswaradza kwese kwatange tichiita.

Ndinodaira kuti vose vakanyora bvunzo dzegwaro rechinomwe vakatotsvaga nzvimbo dzekuzvikoro vakatowana uye vakabhadhara mari dzavo nekutenga mayunifomu.

Kana kune vanga vasati vapedza kuita izvi, vari kumashure kwenguva.

Rinoda kugamhwa richabva Hwedza nekuti mukarivara munopedzisira mongoenda chero muzvikoro zvekuhuhunidzira.

Kune vaya vakapedza havo ndinoti chigadzirirai mabhuku anodiwa chirwere chaNdira chisati chabata nekuti zvinozogona kuperevedza musati mava nezvese.

Kune avo vanga vari mugwaro rechitanhatu avo vava kunopinda mugwaro rechinomwe, ndimi vatanga takamirira kuti tibatane tigosimuka pamwe. Tinoda kubva tangoziva kuti nguva yacho ndiyoyi yekutopinda muchitima chinotisesedza kubva Ndira uno kusvika munaGumiguru apo tinozoburuka mushure mekunyora bvunzo.

Zvinodawo gadziriro tisati tambovhura zvikoro zvacho kwete kuzotanga kumhamhanya kwasara mazuva mashoma. Tsenzi inogara yateya.

Garai matsvaga mabhuku anodiwa pagwaro rechinomwe. Mukutenga mabhuku aya tinofanirwa kuwandira mukutenga edzokorodzo (Revision) nekuti basa redu regwaro rechinomwe rinonyanyoda dzokorodzo. Ngatisasiyawo kutenga mabhuku edzokorodzo dzeChiShona.

Ndinoda kutora mukana uno kuti ndikuyambirei kuti chero zvazvo ChiShona chakaitwa zvakanaka munyika yese, vanhu vakanopasira pakati chaipo kwete kuzvibodzwa zvakasimba zvekutanga.

Vashoma vana vakabuda neimwe (1). Vazhinji vakawandira muzvibodzwa zvitatu (3) kusvika kuzvishanu (5). Izvi zvaibva zvakanda goho remwana kure ozotadza kupinda pachikoro chine mukurumbira.

Zvinotangira mukusakoshesa chidzidzo cheShona.

Chimwe chinhu chinobatsira chandakaona kugadzira faera (file) ramapepa akaitwa muzvikoro zvakasiyana kubva mugwaro rechishanu kusvika rechinomwe. Kunodiwa zvakare twubhuku twenyaya dzakanyorwa dzeChiShona (short novels). Twumabhuku itwotwo twakanakira kuti twunodzidzisa mashandisirwo akanaka emutauro.

Twunobatsira mukunyorwa kwerondedzero zvakare. Vana vazhinji vanoremerwa nekunyora rondedzero nekudaro vanogona kubatsirikana.

Chekupedzisira ita hukama nepepa reKwayedza nekuti svondo rega rega kunenge kuine chirongwa chinodzidzisa vana nezvemutauro weShona yamandorokwati.

Zviya zvekuswera tichinhonga zvijaka zvekutambisa tsoro nekodo zvinenge zvazopera.

Share This:

Sponsored Links