Gadzirirai kurima: Seed Co

26 Oct, 2021 - 12:10 0 Views
Gadzirirai kurima: Seed Co

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KAMBANI ine mukumbira wekuuchika mbeu munyika muno yeSeed Co iri kukurudzira varimi kuti vaite gadziriro izere yemwaka wekurima watatarisana nawo nedonzvo rekuti vagowana goho guru.

Vachitaura pamusangano wakaitwa pamasaisai apo vaikurukura maringe negadziriro yekurima, Mai Wendy Madzura, avo vanova mukuru kuchikamu cheAgronomy kuSeed Co, vanoti kune zvinhu zvakawanda zvinofanira kutariswa nevarimi apo vanodzokera kumunda.

“Chekutanga, varimi vanofanira kugadzirira minda yavo kuburikidza nekuitimbinura angava nemapadza, matarakita kana kushandisa magejo kuitira kuti mashanga aya ezvirimwa zvavakakohwa aende pasi achizoora kuita mupfudze.

“Ivhu rinoda kutariswa kuvava kana kutapira kwaro yatinoti muchirungu soil ph inova yatinotarisira kuti inge iri pachinzvimbo chakanaka che5.5 – 6.5 kureva kuti kudya kwevhu kunenge kwakaringana,” vanodaro.

Vanoti murimi kwaye anoshanda nemadhumeni mukusarudza mbeu yakakodzerana nenzvimbo yaanorimira.

“Haungarimi mbeu inoda mvura yakawanda munzvimbo isinganaye mvura, bodo. Unogona kurasikirwa nezvirimwa kunze kwekunge uri murimi anoshandisa madiridziro. Zvakakosha kushandisa manyowa kana fetiraiza kuvandudza zvekare kudya kunodiwa nezvirimwa,” vanodaro Mai Madzura.

Vanoenderera mberi vachiti, “Nyika dzose dziri kusangana nedambudziko rekusanduka kwemamiriro ekunze saka madiridziro akakosha zvikuru uye murimi unogona kurima kwegore rose achisandura zvirimwa.

“Tinokurudzira zvekare varimi kuti vadzidze kubata mwaka vachitererera zvinotaurwa nebazi rinoona nemamiriro ekunze reMeteorological Services Department (MSD).”

Mai Madzura vanorumbidzawo chirongwa chePfumvudza vachiti chinosimudzira varimi kuti vakwanise kukohwa goho guru.

“Vamwe varimi vakatochera makomba ePfumvudza uye tinozvikurudzira nekuti kana mvura ikanaya mwando unogara mukati megomba nokudaro paya paunozodyara mbeu dzinokasika kumera nekukura uye hadziyeredzwe nemvura zviri nyore.

“Kuburikidza nePfumvudza, basa harizowandi nekuti murimi chako kukanda mbeu mugomba uchifushira,” vanodaro.

VaBenjamin Kwenda vanova agro-meteorologists kuMSD vanoti bazi ravo richaramba richizivisa veruzhinji maringe nemamiriro ekunze uye vanokurudzira varimi kuti vatengewo michina inoratidza mafambiro emhepo nehuwandu hwemvura inenge yanaya mudunhu mavo kuti zvivabatsire mukuronga kwavo.

Chirongwa ichi chakapindwawo neveWorld Bank, pakati pevamwe vatsigiri.

Share This:

Sponsored Links