Gadziriro dzekurima gorosi remuchando dzotanga

27 Mar, 2020 - 00:03 0 Views
Gadziriro dzekurima gorosi remuchando dzotanga SANGANO rinomirira varimi munyika reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rokurudzira kuti vaite gadziriro dzizere dzemwaka wa2020/2021 wekurimwa kwegorosi panguva iyo vamwe vakatotanga kare kudyara chirimwa ichi.

Kwayedza

Kingstone Mapupu
SANGANO rinomirira varimi munyika reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rokurudzira kuti vaite gadziriro dzizere dzemwaka wa2020/2021 wekurimwa kwegorosi panguva iyo vamwe vakatotanga kare kudyara chirimwa ichi.

VaPaul Zakariya vanova ZFU executive director vanoti mwaka wegorosi remuchando wakakotanga kare.

“Mwaka wegorosi remuchando wakatanga kare apo tiine varimi vane chitsama kubva kumapurovhinzi akasiyana vakatodyara chirimwa ichi. Mukati mevarimi vedu, tine vamwe vane chikamu chakakura vachiri kuita gadziriro dzinosanganisira kurima nezvimwe zvakasiyana,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti murimi akarongeka panguva ino anofanirwa kunge akaunganidza zvose zvinodiwa kusanganisira mbeu, mishonga yezvirimwa, feteraiza uyewo minda yakatorimwa kare yangomirira kudyarwa.

“Zvakanaka zvikuru kushanda nevarimisi vedu nguva iripo totaurirwa zvinodiwa zvose tounganidza uye michina yose yagara iri panzvimbo. Tine varimi vedu vanorima nemvura yekudenga toita vanorima nemadiridziro avo tinotarisira kuti izvozvi zvirimwa zvavo zvakatomera kare. Mwaka wedu wezhizha wanga usina kumira zvakanaka saka tinotarisira kuti varimi vedu vachagadzirisa mwaka wegorosi uyu zvizere kuti tigoita goho guru kutsiva zvimwe zvirimwa zvedu zvakatsva nezuva nekusanaya kwemvura kwakaita mvura kune mamwe matunhu munyika,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti kuburikidza nekusanaya kwemvura zvakaringana kwakaitika mumwaka wezhizha, zvirimwa zvakadai sechibage hazvina kuita zvakanaka kune mamwe matunhu enyika.

“Munzvimbo zhinji dzenyika tine nzara nekukanganisika kwakaita mwaka wedu wezhizha saka tinoti iwo mwaka wegorosi remuchando uyu mukana wekuti tivhare vende rakaitika iri renzara. Tinoti kune vane mvura mumapindu vorimawo zvirimwa zvakasiyana kuti vakohwe ungava muriwo kana matomatisi nezvimwe vogutsa mhuri dzavo nekudya kana kutengesa vachiwana mari,” vanodaro.

Zvakadai, Hurumende yakazivisa mutengo mutsva wegorosi we$14 143 73 patani kuchizotiwo mamwe magiredhi achiita $11 786 44 patani.

 

Share This:

Sponsored Links