Gadziriro dzekutengeswa kwefodya dzoitwa  

28 Jan, 2021 - 15:01 0 Views
Gadziriro dzekutengeswa kwefodya dzoitwa  

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinoti riri kushanda nebazi rezvekurima nemamwe mapoka akasiyana pamusoro pegadziriro dzemwaka wekutengeswa kwefodya wegore rino nedonzvo rekuti patorwe matanho akasimba ekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 kumisika inotengeswa chirimwa ichi.

Basa rekutengeswa kwefodya yemwaka wakadarika munyika muno rinonzi rakakanganiswa zvikuru nekuda kwechirwere cheCovid-19 izvo zvave kutyirwa kuti dambudziko iri richadzokorora zvakare gore rino.

Mwaka wakadarika, varimi vaiva nemabhero aiva pasi pezana vaitsvagirwa vanhu vekuvatengesera fodya yavo vasipo izvo zvinonzi zvaizokonzerawo mamwe matambudziko.

Muhurukuro neKwayedza, VaPaul Zakariya vanova ZFU Executive Director vanoti vari mushishi yekuona kuti pachavhurwa mwaka wekutengesa fodya varimi nevamwe vose vanenge vari kumisika iyi vakachengetedzwa panyaya yechirwere cheCovid-19.

“Mwaka wakapera wekutengeswa kwefodya wakatanga tiri pakati pekurwisana nechirwere ichi kureva kuti mwaka watiri kutarisa uyu tinenge zvakare tiri mubutiro rechirwere ichi apo chiri kusimuka zvikuru. Saka tiri kushanda zvakaomarara pamwe chete nebazi rinoona nezvekurima uye nemamwe mapoka kuti patorwe matanho ose akakodzera ekudzivirira varimi nevamwe vose vachauya kumisika inotengeswa fodya iyi kuti vasabatwe nechirwere chanetsa ichi cheCovid-19,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti mwaka wekutengeswa kwefodya wave pedyo nekuvhurwa kunyangwe zvazvo mazuva acho asati ave kuzivikanwa.

“Mwaka wekutengeswa kwefodya wave padyo nekuvhurwa kuburikidza nenhaurirano dziripo izvozvi mumisangano yatinopindawo isu semasangano anomirira varimi. Zuva richavhurwa mwaka wekutengesa chirimwa ichi richaziviswa nekufamba kwenguva. Asi shoko guru ndere kuti varimi vedu nevamwe vose vanofanirwa kuve vakachengetedzeka kumisika iyi kuti vasabatwe nechirwere cheCovid-19,” vanodaro VaZakariya.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tiri kushanda nebazi rezveutano zvakare mukutsvaga nzira chaidzo dzekudzivirira varimi vedu kuti vasabatwe nechirwere ichi. Tine vemarori anotakura fodya, vashandi vemakambani anotengesa fodya, vemakambani anotenga chirimwa ichi nevanotengesa zvekurimisa avo vanenge vachisangana nevarimi panguva iyi saka tinoda kuti vose vave vakachengetedzwa kubva kudenda iri.”

Dr Andrew Matibiri vanova chamangwiza wekambani yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) vanoti gadziriro dzemwaka wekutengeswa kwefodya wegore rino dzave padanho repamusoro.

“Gadziriro dzemwaka wekutengeswa kwefodya wa2021 dzava padanho repamusoro zvikuru. Nekuda kwechirwere cheCovid-19, isu nebazi rezvekurima – tichishanda pamwe chete nebazi rezveutano nemamwe mapazi akasiyana – tiri kuita hurukuro pamusoro pematanho akasimba angatorwe ekudzivirira kupararia kwechirwere cheCovid-19 kumisika yefodya,” vanodaro Dr Matibiri.

Vanoti vamwe varimi vakatopisa fodya yavo ndokuiisa mumabhero uye vangomirira kuiendesa kumisika.

Zimbabwe inowana mari inosvika US$1 bhiriyoni pagore kubva mukutengesa fodya.

PIX: Mwaka wefodya neCovid-19.

Fodya: Basa rekutengeswa kwefodya yemwaka wakadarika munyika muno rinonzi rakakanganiswa zvikuru nekuda kwechirwere cheCovid-19 izvo zvave kutyirwa kuti dambudziko iri richadzokorora zvakare gore rino.

Share This:

Sponsored Links