
Kwayedza

Abel Ndooka
MUTAMBI wenetball wechikwata chenyika chemaGems arizve kaputeni — Felisitus Kwangwa — anoti gadziriro dzekuenda ku2023 World Cup South Africa dzinofanirwa kutanga izvezvi uye vanoda kutamba mitambo yakawanda yehushamwari.
Kwangwa, uyo anotambira netball yake kuchikwata cheSurrey Storm kuEngland, mumwe wevatambi vaive muchikwata chemaGems chakapedzisira kuenda kuWorld Cup mugore ra2019 uye vachibva kumutambo uyu, akasvika ndokugadzwa kuve kaputeni wechikwata ichi.
Gore rino, Kwangwa ndiye achange achitungamira vamwe vatambi apo vari kuenda kunotamba kuWorld Cup zvekare kuSouth Africa munaNyamavhuvhu.
Kwangwa anoti apo vakatarisana nemutambo mukuru uyu, sechikwata vanoda kutamba mitambo yakawanda yehushamwari nedzimwe nyika.
“Tisati taenda kuSouth Africa, ishuviro yedu kuti titambe mitambo yakawanda yehushamwari zvigotibatsira mugadziriro dzedu dzekuenda kuWorld Cup. Isu tinoda kunotamba netball inonwisa mvura kuWorld Cup uye kunge tiri pakati pezvikwata zvichapedza zviri pamusoro.
“Saka kuti zviitike, tinofanirwa kunge takagadzirira nekudaro tikatamba mitambo yakawanda yehushamwari zvinotibatsira kuona kuti tiri papi pagadziriro dzedu,” anodaro.

Felisitus Kwangwa
Kumutambo wa2019 uyo wakatambirwa kuLiverpool kuEngland, maGems akapedza ari pechisere kubva pazvikwata 16 zvaikwikwidza.
Gore rino, Kwangwa anoti vanoshuvira kupedza vari pakati pezvikwata zvinonwe zvepamusoro kuSouth Africa.
“Tarisiro yedu uye zvatinokwanisa kupedza tiri pakati pezvikwata zvepamusoro zvinomwe nekudaro ticharwa semvumba,” anodaro.
Pari zvino Kwangwa ari pakati pekuita gadziriro nechikwata chake cheSurrey Storm apo vakamirira kutanga kwemwaka mutsva.
Mwaka mutsva wenetball wekuEngland uchatanga nemusi wa11 Kukadzi uye chikwata chaKwangwa chichatamba neStrathclyde Sirens.