Uncategorized

Gakava revanhu nenzou rakura

27 Sep, 2022 - 12:09 0 Views
Gakava revanhu nenzou rakura Nzou dziri mumunda wechibage

Kwayedza

 Luthando Mapepa

VARIMI vepaChibuwe neMusikavanhu Irrigation Schemes kuWard 20 kuChipinge vari kunyunyuta nekurasikirwa kwavo sezvo nzou dziri kupoya kubva kuSave Conservancy dziri kuparadza midziyo yemadiridziro pamwe nezvirimwa.

Nzou dzinobva munzvimbo inochengeterwa mhuka dzinofamba nerwizi rwaSave dzichitsvaga miti yakapfumvura muzvirongwa zvemadiridziro panguva ino yegore. Dziri kuparadza zvirimwa zvakaita sechibage, bhinzi nemuriwo.

Pamusoro pezvo, nzou idzi dziri kuparadzawo ruzhowa (fenzi) nemigero yezvirongwa zvemadiridziro, izvo zvasiya varimi vaine mutoro wekugadzirisa zvivakwa zvinenge zvaparara.

Varimi ava vari kukumbira vanoona nezvemhuka veZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (ZimParks) nemamwe mapazi eHurumende kuti vapindire mukugadzirisa dambudziko iri.
Vanoti havana ruzivo rwakakwana rwekuti vatyisidzire nzou idzi uye vave kushandisa nzira dzechinyakare dzekuridza ngoma izvo zvinokanganisa upenyu hwavo.

Sachigaro weCAMPFIRE munzvimbo iyi, VaRay Muvheyo, vanoti panofanirwa kugadziriswa nyaya yekunetsana kwevanhu nemhuka dzesangano.

Sachigaro weChipinge Rural District Council, avo vanova kanzura weWard 20, Kanzura Charles Mugidho vanoti kanzuru iri kutora matanho ekugadzirisa dambudziko iri.

Kuchitiwo mutauriri weZimParks, VaTinashe Farawo, vanoti kurwisana kwevanhu nemhuka dzesango kuri kuramba kuchikura.

“Dambudziko iri harisi kungoitika kuChipinge chete, asi munyika yose. Tinofanira kutarisa chikonzero uye kugadzirisa dambudziko racho.

“Nzou dzedu dzawandisa nekufamba kwemakore kubva pakapedzisira kutengeswa nzou muna1987.
“Takaita hurukuro dzakawanda pamisangano yepasi rose tichikurudzira kuti mutemo wekurambidza kutengesa kwenzou ubviswe, asi hatisi kubudirira. Masangano anoona nezvemhuka vanoona nzira yekuuraya sehutsinye kumhuka, asi mamiriro ezvinhu mumapaki edu nekuchengetedza mhuka haana kugadzikana.

“Nzou nevanhu vari kuwedzera zuva nezuva, asi nyika haisi kukura, nekudaro kunetsana uku kuri kuwandawo. Mamiriro akanaka anofanirwa kuona nharaunda dzichibatsirikana nemhuka dzesango, kwete kuti dzionekwe sedambudziko,” vanodaro VaFarawo.

Vanoti ZimParks iri kuita hurongwa hwekudzidzisa vanhu munzvimbo dziri kumiganhu yemapaki nedzinochengeterwa mhuka kuitira kuderedza zviitiko zvekuti vanhu vanopedzisira varasikirwa neupenyu.

“Gore rino kusvika pari zvino tarasikirwa neupenyu hevanhu 50 nekuda kwekurwisana kwevanhu nemhuka dzesango munyika yose uye izvi zvinofanira kudzivirirwa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links