Gandanga nepfuti

30 Aug, 2019 - 00:08 0 Views

Kwayedza

SVONDO rino tinopedzisa mubvunzo wekupindirana kwemusoro webhuku nenyaya.

Kunakidzwa kwemagandanga nekuridza pfuti munguva yehondo kunozadzisa musoro webhuku.

Tinonzwa nemunyori achiti zvaimunakidza dzimwe nguva kana achinge ave kuridza pfuti sepanonzi, “Kwechinguva ndakambozvizeya ndichiritsenhura gona reChimurenga.

Ndakateerera zvangu dzichifairana, kwechinguva ndakambokanganwa kuti ndaiitei ndonakidzwa.”

Kusimudzwa kwemuchena nepfuti achienda mudenga kunoratidza basa raiitwa negona reChimurenga. Tinonzwa nemunyori kuti paanorwa nevachena paRota, mumwe wavo anomubaya nepfuti mushure mekunge ava kuda kutiza ndokumboenda mudenga achinowira pasi asi anoramba achimupfura chete.

Kutya kunoita maSelous Scouts pavanoona magandanga ane pfuti kunopindirana nemusoro webhuku. Tinozviona panopinda Mabhunu, Shamwariyeropa naMasango mumba maive nemaSelous Scouts achidya sadza apo vanotanga kudedera zvekusvika pakudonhedza misuwa yesadza. Apa magandanga akanga akabata pfuti.

Kupfurwa kunoitwa ndege dzevachena nemagandanga kunozadzisa musoro webhuku. Izvi tinozviona apo munyori anenge ave kurwiswa nendege.

Anodzikandira mabara ndokubva dzarovana dziri mudenga makare.

Ndege dzinonzwikwa dzichiputika zvakanyanya dziri mudenga imomo zvichibva zvazadzisa mabasa guru raiitwa nepfuti munguva yehondo. Shamwariyeropa akadonhedzawo imwe ndege pachiitiko ichi.

Masango nemunyori vakabva vakandira ndege iya bara raibva pabhazuka ikabva yatanga kubvira pakarepo. Zvese izvi zvinoratidza kukosha kwepfuti iyo iri kuburitswa segona reChimurenga.

Svondo rinouya tinobata mamwe madingindira makuru anowanikwa mubhuku iri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey