Uncategorized

‘Garai kumba’

23 May, 2020 - 00:05 0 Views
‘Garai kumba’

Kwayedza

Munyori weKwayedza
BAZI rezveutano nekurerwa kwevana rinoramba richikurudzira veruzhinji kuti vagare kudzimba uye kuti vasasvike kana kutambira munzimbo dzine vanhu vakawanda sezvo umu muchinetsa kuchengetedza nyaya dzekusaita chitsokotsoko nedzekukoshesa kuti vanhu vasiye chinhambwe chemita imwechete pakati pavo (social distancing) senzira yekudzivirira kutapurirana chirwere cheCovid-19.

Mumashoko aro emusi weChina ayo akananga kuzivisa veruzhinji nezvemamiriro echirwere cheCovid-19 munyika, bazi iri rinoti kana munhu akadzimara aenda panzvimbo ine vanhu vakawanda uye vakaita chitsokotsoko, zvinonetsa kuti pave nemukana wekusiya chinhambwe chemita pakati pavo.

Naizvozvo bazi iri rinoti kuzvigona kungobvira munhu asiyana nekuenda kana kusvika munzvimbo dzine vanhu vakawanda, ogara hake kumba.

Nemusi weChina uyu, bazi iri rakazivisa kuti muZimbabwe mainge mava nevanhu 51 avo vainge vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa. Pavanhu ivava, 18 vavo vatonaya kuchiti vamwe vana (4) vakashaya.

“Nhasi (China), vanhu vatatu vawanikwa vaine Covid-19 muno. Vaviri vavo ndevari kudzoka kubva kunyika yeBotswana avo vazoonekwa kuti vane chirwere ichi muzuva rechisere vachigara kwavo voga (quarantine) muno. Wechitatu mugari wemuHarare uyo asina nhoroondo yekumbobvakacha kunze kwenyika.

“Saka kusvika pari nhasi, vanhu 51 vawanikwa vaine Covid-19 muno, gumi nevasere vavo vatopona kuchiti vamwe vana (4) vakashaya,” rinodaro bazi iri.

Rinoenderera mberi richiti: “Vanhu garai kumba uye musaende munzvimbo dzinoungana veruzhinji. Munzvimbo dzinoungana vanhu vakaita chitsokotsoko munonetsa kuchengetedza chinhambwe chemita pakati pemumwe nemumwe, saka kuzvigona kusasvika munzvimbo idzodzi.”

Nzvimbo dzinonyanyowanda vanhu dzinosanganisira kumisika inotenga nekutengesa zvirimwa sekuMbare Musika, kunotengeswa mbatya kunyanya dzemumabhero nemuzvimwe zvitoro.

Zvichakadai, komiti iri kuona nezvekurwiswa kweCovid-19 mudunhu reKariba, kuMashonaland West, nemusi weChitatu yakavharisa musika unotengeswa nekutengwa zvirimwa weJumbo Farmers Market uri mudhorobha iri ichiti wava njodzi huru kuutano hweruzhinji.

Vanhu vanonzi vange vowandisa mumusika uyu zvekuti kuchekosheswa kwemurawo unoti vanhu vasaungane panga pasisina.

Naizvozvo musika uyu unonzi uchavhurwa bedzi kana zviri kunzi zvitange zvagadziriswa zvavepo.

Kugara kudzimba, kuita hutsanana munhu achigeza maoko ake nesipo nemvura inochururuka pamwe chete nekusaita chitsokotsoko pakugara zvimwe zvinonzi nenyanzvi dzezveutano zvinobatsira kuti vanhu vasatapurirane chirwere cheCovid-19 icho chinokonzerwa nehutachiona hunodaidzwa nekuti coronavirus.

Share This:

Sponsored Links