Garisanai zvakanaka: ZRP

21 May, 2020 - 00:05 0 Views
Garisanai zvakanaka: ZRP Insp Mwanza

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MAPURISA ekudunhu reMashonaland East ari kukurudzira veruzhinji kuti vagarisane zvine runyararo uye vasaudzane mashoko anogumbura vamwe kana kutukana munguva ino apo vanhu vagere kudzimba.

Vanhu veruzhinji vachiri kunzi varambe vagere kudzimba seimwe yenzira dziri kutevedzwa neHurumende mukuedza kumisa chirwere cheCovid-19 icho chatekeshera pasi rose.

Kurudziro yemapurisa inotevera nyaya yemurume ari kupomerwa kuponda hanzvadzi yake iyo akatema nedemo ichibva yangofira panzvimbo nguva pfupi yadarika.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza, vanoti nyaya inosuwisa yehanzvadzikomana iri kunzi yakaponda hanzvadzisikana nedemo yakaitika kuMacheke.

“Apo vanhu vagere kudzimba tichirwisana nedenda reCovid-19, tinokumbira kuti vagare zvakanaka mukutaurirana mashoko ane rudo. Kana pane akanganisirwa, vanhu ngavatsiurane mune zvakanaka.

“Senyaya yemurume uyu iyo iri kuferefetwa nemapurisa, anonzi akatema hanzvadzi yake nedemo ikafa apo mhuri iyi yaiva pamba mushure mekukakavadzana,” vanodaro.

Vanoti mwana musikana ainzi Polite Chimhanda (14) uyo aigara nevabereki paPlot 4 papurazi reLongridge ikoko kuMacheke, akatemwa nehanzvadzi yake ine makore 29 musi wa9 Chivabvu.

“Mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMacheke akasunga murume anonzi Washington Chimhanda (29) nemhosva yaari kupomerwa yekuponda hanzvadzi yake achimutema nedemo kaviri — parutivi pemusoro nepadumbu — achibva angofira ipapo,” vanodaro Insp Mwanza.

Zvinonzi nemusi uyu Washington akatanga kunetsana nababa vake, VaKenneth Chimhanda (56), nenyaya isati yazivikanwa. Zvinonziwo mwanakomana uyu ane dambudziko redenda repfungwa uye anonzi akatanga kuvhundutsira achiti musi uyu aizouraya mumwe wemhuri yavo nekuda kwekunetsana uku.

“Anonzi mushure mechinguvana akaonekwa achirodza demo, ava masikati baba vake ndokuzobva pamba vachienda kumuporofita vachida kunozvibvunzira,” vanodaro Insp Mwanza.

Nguva dzava kuma7 dzemanheru, amai vemhuri Ottillia Chimhanda (59) vaidya chikafu vaina Washington nehanzvadzi yake Polite, apo mwanakomana uyu anonzi akaoneka achiti ainge onorara.

“Apo Washington akasimuka, anonzi akamira pedyo naamai nehanzvadzi yake, ndokusveerera demo raiva rakazendamiswa pamadziro pemba iro akatemesa Polite naro.”

Baba vake vakazodzoka ndokuwana mwanasikana uyu atofa ndokumhan’ara nyaya iyi kumapurisa eko zvikaita kuti Washington asungwe.

“Apo vanhu tigere kudzimba ngatisiyanei nemhirizhonga. Zvinorakidza kuti njodzi iyi ingadai yakadzivirirwa dai vakuru vaivapo ava vakatora matanho nguva iripo nekuti murume uyu akanga avimbisa kuuraya munhu. Vangadai vakatsvaga kubatsirwa nenguva kune vamwe kana kuenda kumapurisa, chionai mwana mudiki aisava nemhosva akazopondwa,” vanodaro Insp Mwanza.

Vanokurudzira vanogara nevanhu vanorwara nepfungwa kuti vavape mishonga yavo nenguva uyewo vogara vakaviga zvinhu zvinokuvadza sematemo nemapanga.

“Vanhu ivava vanofanirwa kugara vachitariswa uyewo kuziva hunhu hwavo kuti vagumbuka here kana kuti kwete.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey