Garlic iri kufarirwa

04 Oct, 2021 - 16:10 0 Views
Garlic iri kufarirwa Garlic

Kwayedza

Patrick Chitumba

PANGUVA iyo chirwere cheCovid-19 chiri kukonzera matambudziko munyika muno nepasi rose, anosanganisira kusimukira munyaya dzeupfumi nekurasikirwa kwemabasa kwevamwe vanhu, varimi vegarlic vari kupunduka zvikuru izvo zviri kuona mabasa avo achisimukira nechikamu chinodarika 600 percent.

Garlic iri kudiwa zvakanyanya nevanhu vakawanda kubvira pakanyuka denda iri sezvo ichishandiswa semushonga mune zvakasiyana.

Sangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) rinoti garlic kudya kune utano uko kunogona kunge kuine zvakunobatsira nazvo mukurwisa hutachiona, asi hapana umboo hwati hwavepo hunoti kudya chirimwa ichi kunodzivirira vanhu kuCovid-19.

Gwaro rePharmaceutical Journal, iro rakaburitswa munaKubvumbi gore rino, rinoti garlic iri kushandiswa mukupodza marwadzo ezvirwere zvakasiyana.

Ongororo yezviri mugwaro iri inoratidza kuti garlic inogona kushandiswa zvakare kubatsira vanhu vanenge vabatwa neCovid-19 kuburikidza nekufemedza senzira yekurwisa hutachiona hunenge huri munzira inofamba nemweya wekufema nehumwewo hutachiona.

MuZimbabwe, kuuya kweCovid-19 kwakaona vakawanda vachishandisa garlic izvo zvaita kuti chirimwa ichi chidiwe zvakanyanya.

Garlic inoshandiswa zvakare segodzamuto mukubika usavi nezvimwe zvakasiyana.

Chirimwa ichi chinonzi chinobatsirawo mukushanda zvakanaka kwemwoyo wemunhu.

VaDouglas Msipa, avo vanova nhengo yesangano reGarlic, Ginger, Turmeric Growers Association of Zimbabwe (GGTAZ) kuGweru, vanoti nyika ino gore radarika yakawana goho rematani 200 egarlic.

Vanoti varimi vakawanda vari kufarira kurima chirimwa ichi.

“Kurimwa kwegarlic munyika muno kwawedzera nechikamu che600 percent, apo kurimwa kwayo kuri kusimukira sezvo nyanzvi dziri kupa mazano kuvarimi pamusoro pekukosha kwayo. Gore rapera nyika ino yakawana goho rematani 200 uye mwaka uno tiri kutarisira matani 1 200 sezvo varimi vechirimwa ichi vawanda,” vanodaro VaMsipa.

VaMsipa, avo vanova mwana wegamba renyika Dr Cephas Msipa, vanoti kurima garlic kuri kupa pundutso huru.

“Ndiri mumwe wevarimi vegarlic muMidlands uye tiri kuona kusimukira kwekurimwa kwechirimwa ichi sezvo chiri kudiwa zvakanyanya. Covid-19 yadzosera kumashure zvimwe zvikamu zveupfumi hwenyika kana kuti zvimwe zvinhu, asi kwatiri tiri kuita zvakanaka zvikuru sezvo garlic iri kudiwa zvakanyanya pasi rose.

“Vari kuda garlic nekuda kwezvainobatsira panyaya dzeutano nekudaro izvi zviri kutibatsira,” vanodaro VaMsipa.

Mutungamiriri wenyika President Mnangagwa vari kukurudzirawo varimi kuti vatore kurima garlic sebhizimisi zvichitevera kudiwa kwairi kuitwa pasi rose.

Nyanzvi munyaya dzezvemaindasitiri, Professor Mandivamba Rukuni, vanoti panofanirwa kuve nehurongwa hwakasimba hwekuvandudza garlic ichigadziriswa zvakasiyana kwete kungoitengesa kunze kwenyika isina kuvandudzwa.

“Yakwana nguva yekuti tichive nemaindasitiri kwete kuti tingochema-chema tichiti hakuna mabasa asi paine zvatiri kukohwa kubva muivhu redu. Tine chibage uye zvinhu zvine chitsama zvinobva machiri asi tiri kutenga kunze zvinhu zvatinokwanisa kugadzira kubva muchibage ichi,” vanodaro Prof Rukuni.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey