Garwe auya nezvitsva

03 Nov, 2022 - 13:11 0 Views
Garwe auya nezvitsva Tendai Garwe

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUIMBI wemuZimbabwe – Tendai Garwe – uyo ari kugara kunyika yeSouth Africa akabura dambarefu idzva rinonzi Celebrations Volume 2 rine nziyo dzinokurudzira veruzhinji kuti vasiyane nekuchengeta zvigumbu mumwoyo mavo.

Iri rave dambarefu rake rechitatu zvichitevera mamwe maviri aakaburitsa mumakore adarika.

“Dambarefu randakatsikisa iri gore rino rinodaidzwa kunzi Celebration Volume 2 kana kuti Munovhura Masiwo. Rine nziyo dzinokomborera zvikuru uye tinokurudzira vanhu kuti varidze panguva yekufara yakadai sepamichato nezvimwe zviitiko zvinoda mufaro.

“Mwari haafariri vanhu vanogara vakasuwa vachifunganya maringe nematambudziko epano pasi nekuti ndivo vanoziva zvatinoda kunyangwe tisati takumbira kwavari. Ichi ndicho chikonzero chikuru ndakabura dambarefu iri kuti tizadzikise magwaro aya muupenyu hwatiri kurarama kuti tifare tichirumbidza Musiki pane zvese zvavanotiitira,” anodaro.

Garwe anoenderera mberi achiti: “Mugore ra2021 ndakabura dambarefu rangu rekutanga rinonzi Huyai Tibatane Part 1, muna2014 ndikabura Celebration Times Volume 1 – Auya Makhoti naMunhu Haana Chakanaka mugore ra2018.

Kuchizoti gore rino, ndopandakazobura Celebrations Volume 2.”

Garwe anotenda rutsigiro rwaari kuwaniswa nemhuri yake.

Dzimwe nziyo dzaakabura makore adarika dzinosanganisira Christmas Day, New Year’s Day, Easter Time naAmen.

“Dambudziko rekushaikwa kwevatsigiri ndiro rinoita kuti isu vaimbi timbowanikwa tichimboti zii pamhepo nekuti basa rekuimba rinoda kushandiswa kwemari yakawanda, kubvira pakutsikisa nekufundira nziyo, pakati pezvimwe.

Tinotenda Musiki, dambudziko rechirwere cheCovid-19 raderera zvikuru saka tavawo nemikana yekuita mashoo epajekerere vatsigiri vedu vachionawo mabasa atinoita.

“Panguva iyo chirwere cheCovid-19 chakanga chiri kutsviriridza, taingoimbira mudzimba uye mimwe mizinda yekutsikisira mimhanzi yainge yakatovharwa saka sevaimbi takanetseka zvikuru,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>