Gatland otarisira kurairidza England

25 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
Gatland otarisira kurairidza England Warren Gatland

Kwayedza

WARREN Gatland (55) ari kutarisira kurairidza England pabasa rake rinotevera mushure mekunge World Cup ichangopera, ombomisa hurongwa hwekudzokera kuNew Zealand kunozorora mugore ra2020.

Shasha iyi iri kutungamira Wales mumutambo weSix Nations wekupedzisira kutanga svondo rino apo vachasangana neFrance kuParis uye ndipo paachataura nezvehurongwa hwake hwekutanga hwemimwe mitambo inotevera.

Gatland anonzi akasununguka kutungamira British & Irish Lions kechitatu kuSouth Africa mugore ra2021.

Asi, anonzi ari kudawo kutungamira chikwata chimwe chete ichi muGallagher Premiership.

“Ndanga ndiri kutarisira kutora mwedzi mishoma ndisipo ndozotanga pakati pa2020, zvimwe ndogona kurairidza zvimwe zvikwata zvemuSuper Rugby kuNew Zealand kana kune mukana wacho,” anodaro.

“Asi ndinozviziva kuti hakuna mabasa akawanda kuNew Zealand. Saka handingafunge zvakanyanya nezvazvo.

“Saka zvinoreva kuti pamwe ndichadzokera kuzorairidza makirabhu muPremiership kana kuti kuFrance kana kuJapan.

“Ndakaita hurukuro nevanhu vakasiyana asi hapana zvinobatika zvati zvavepo kutaura kuno.

“Ndofunga panopera World Cup ndinenge ndisisina basa.” – Sportsmail Rugby

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey