George anobenenguka. . . ndokuramba kuenda kuchiptara

06 Jul, 2014 - 06:07 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 6 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Gare gare George anozobengenuka mudzimai wake kwava kuti baba vaTichaona vamhanye pachikoro kumudzidzisi ane motokari kuti azotakura George kuchipatara. Amai vaTichaona ndivo vanoti vamhanye nokuti baba vaTichaona vangangovabatsira zvimwe. George anoti vasatambudzika zvavo nekuti ava kunzwa zviri nani.
Zuva radoka Musiyiwa anosvika achibva kwababamudiki wake ndokurohwa nehana achiona mberi kwemotokari kwakaparara uyewo negirazi rakabooka. Paanosvika kumba anoudzwa zvainge zvatora nzvimbo mwana wemunhu ndokushaya chokupindura.

Pakurara apa mwana wemunhu anotambudzika nepfungwa munhu zvanga zvamufambira gore raitevera achizonyora bvunzo yake JC kubudikidza nerubatsiro rwaGeorge.

Masikati eSvondo George anoenda kumotokari iyo anomutsa iyo ndokudavira. Anoifambisa chinhambwe kwava kuona ichiita mufambiro wayo wenguva dzese. Manheru acho anoronga basa rake samazuva ose.

ONGORORO
Kudetemba kunoita Munjodzi kunoratidza unyanzvi hwavananyanduri. Shave rake rokutengesa ndipo parinonyatsobuda.

Detembo racho rinove ndima imwe chete rakanyorwa nemutauro usingatemesi musoro asi rakapaka segidi. Tsumo ndidzo dzatinoona dzichishandiswa zvebasa.

Kuti vanhu vatenge zvaanenge achitengesa anovakwezva achiti, “Chakakodza nguruve hachizivikanwe”.
Tsumo dzinobva dzauya mumusoro memuverengi ndedziya dzinoti, “Chakakodza nguruve mashamba”, “Chakakodza bere mafuta”, “Chakaponesa hamba makwati ayo”.

Musiyiwa ari kunyengetedza vanhu achiti chinhu chinonzi nevamwe hachina maturo chinogona kuva chinhu chinoyamura vamwe vanhu kwazvo.

Vanhukadzi ngavaite zvokukurumidza kutenga zvaari kutengesa nekuti vakanonoka vanogona kubva vazvishaya zvachose.

Saka achidetemba achishandisa mavambo etsumo achiti, “Chinono chinengwe bere ra. . .” mhedzisiro yacho yatinoziva ichiti “. . . kadya richifamba”. Kana vatenga zvinhu zvaari kushambadzira, vachave nevimbo nechinhu chavava nacho pane kuti vazoti ndichava nechakati kwava kuvimba nazvo. Saka achishandisa tsumo inoti, “Uswa hwemhofu ndihwo huri mudumbu, huri kumuromo inofa nahwo”. Vamwe vanhu vanoshandisa izwi rokuti “nyati” pane rokuti “mhofu”

Maererano nemutauro tinoona kuti enzaniso ndidzo dzashandiswa zvakati kuti. Machemero anoita Hazvinei atemwa naSheila anoratidza kuti ainge achirwadziwa zvikuru. Zvinonzi mwana uyu akachema “sokunge akanga apiswa nomoto” (25).

Mai vaMusekiwa vachipopotera Sheila mwana wavo nezvainge aita vanomutuka vachiti kanongotsvukisa maziso “kunge gava rine gwembe” (26).

Apo pfungwa dzaGeorge dziri kuita chamuhwiriri mumusoro make, dzinotenderera dzikaenda kure kure “semunhu arere hope dzemubvumbi” (30).

Paitika tsaona yekurovera motokari pabango guru resimbi nesimba, apo anopepuka anovhunduka “somunhu anopenga” (30) ndokusaka baba vaTichaona vakamudzvinyidzira pasi.

Musiyiwa achinzwa zvainge zvaitika anotambudzika zvikuru.
Hapano pakurara mwana womunhu anoonekwa achipinduka apindukazve “senyoka yarohwa musana” (31) kuri kufunga kuti zvino zvichafamba sei, ainge ava pachinhanho muupenyu hwake apo zvinhu zvainge zvomufambira zvakana.

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links