George anorovera nemotokari pabango

26 Jun, 2014 - 16:06 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 6 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Mudzimai waGeorge anosiya aongorora patemwa pacho, ava kutanga kufamba amai Musekiwa ndokubvunza kuti chii chaiitika ipapo ndokuudzwa kuti ndiHazvinei ainge achichema vachirwira bhora naSheila. Mai Musekiwa vanoshatiriswa nezvaitwa naSheila zvokutema Hazvinei ndokubva vamuzvambura zvekuti mudzimai waGeorge anobvunza kuti kuranga mwana rudzii kwakadaro.

Mai Musekiwa vanoburitsa mazwi okuti vari kuranga mwana wavo wavakabereka ivo nemamwe mazwi anosvota okuti Mai Tendai vanofanira kupfigira mwana wavo sezvavanoita huku dzavo.

Mai Tendai vanobva vapfuurira kumba kwavo uko murume wavo anovabvunza kuti Hazvinei wacho vamusiireyi iye ndokuti anofanira kujaira kutamba nedzimwe pwere. George anosara achifungisisa nezvekurohwa kwaitwa Sheila nemazwi akataurwa naamai Musekiwa okuti Hazvinei mwana wevaRungu. Munhu anoenda kukamuri yokurara ndokusvikozvikanda pamubhedha.

Mudzimai paanozopindamo achimushevedzera kudya kwemasikati anoti haadi.
Mudzimai haamumanikidzi asi vave kubindu masikati iwayo vanomutanga zvishoma nezvishoma achimuyambira kuti asaite semukadzi, asi ave manheru vave kumba mudzimai anoona kuti murume wake ndangariro dzake dzakanga dzichiri kutenderera nemazwi amai vaMusekiwa ndokumubvunza kuti zuva raitevera zvawaive Mugovera chii chaaizoita, iye ndokuti ari kufunga kuti ambomhanyira Harare anonzwa kuna Andrew kuti sei mai vake vasisapindure matsamba.

Mudzimai anomuti haangaendi nekuti nemusi weMuvhuro Tendai ainge auya netsamba yaiti kwaive nemusangano wekuronga zvechikoro musi weMugovera izvo ainge atokanganwa. Achanonoka kusvika pamba achada kumbotaura nasakurema wechikoro. Ndangariro dzake dzinomboti pararire pane ichi chikoro asi pave pakati pousiku pfungwa dzinodzokera pamashoko emazwi omudzimai wemukoma wake.

Ava mwangwana acho George anotyaira motokari kwava kunotora Makate naKamukombe vachikurukura nezvemafambisirwo emari. Kamukombe ane rokuti hapana chinombogadzirika kusiya kwekungobvisiswa mari dzinongodyiwa zvadzo.

Mumusangano umu panosvika nhau yokuti mubereki mumwe nemumwe angabvisa marii panotanga makakatanwa kuti nyaya ipere mubati wechigaro anoti vanoda madhora gumi vosimudza mawoko, vaida madhora makumi maviri voitawo saizvozvo ruzhinji rwevanhu rukati rwaida madhora makumi maviri pamubereki. Uyo ainge asina kuripira mhuri mari yacho, vana vaizodzingwa.

Vapedza musangano George anokurukura nasakurema uyo anotaura nezveumhizha hwokutengesa hwaMujodzi nekudetemba kwaanoita. Mukukurukura kwavo George anopinza mubvunzo wokuti sezvo Makate naKamukombe vari madzisahwira asakurema, anodii kumbovayeuchidzawo nezvekutanga vamboitira mhuri dzavo basa sezvaanoita iye. Sakurema zvinomuremera kwazvo kuti apindure mubvunzo uyu sezvo akambopindurwa nemamwe mashoko akada kuedza kutaura navo ndokumuyambira kuti akaberekwa ega.

Vaparadzana achityaira motokari kuenda kumba kwake ndangariro dzake dzinotanga kufunga nekupindurwa kwaaitwa nasakurema nekuedza kwaakaita kuda kuyeuchidza hama dzake nezvebasa.  Anobva ayeuka mazwi aakambotaurirwa nemudzimai wake okuti “. . . ndakaberekwa ndega” (30) oshaya kuti zvinorevei.

Paanofunga mashoko amai Musekiwa vachirova mwana Sheila, rima rinomutibikira, pooedza kunanga motokari nepakati pemukana, anononoka motokari ndobva yarovera pabango guru resimbi nesimba, anobva ati tasa ndiye zii arimo.

Mudzimai achinzwa mutinhimira wekurovera anobuda mumba akananga kumotokari. Anoedza kuzarura gonhi rorudyi ndokutadza nekunowo kuvhura gonhi achichema.

Baba vaTichaona vanosvikapo vachimhanya ndokuita zvechirume kwava kuvhura gonhi. Vanoburitsa George uyo maziso angoti udyu kuchena.

Enderero mberi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links