Gidza auya nezvitsva

26 Nov, 2021 - 15:11 0 Views
Gidza auya  nezvitsva

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yekuridza gitare, Gedion “Gidza Power” Wonder, anoti ave kuzvimirira semuimbi izvo zvamuona achitsikisa dambarefu rake rekutanga rinonzi “Zvamaive Vemberi”.

Gidza anonyanya kuzivikanzwa munyaya dzemimhanzi achishanda nevaimbi vakasiyana achiridza gitare pamwe nekubatsira kushaura.

Anoti kushanda kwaaiita nevamwe vaimbi kwamubatsira kudzidza zvakawanda izvo zvave kuona achikwanisa kutsikisa mhanzi yake oga.

Gidza akamboshanda nevaimbi vakaita saPapah Sodza, Tapiwa Chiradza naSolo Moyo.
“Kushanda nevamwe vaimbi kunobatsira uye kunosimudzira, ini ndakadzidza zvakawanda. Pandasvika pandave pano kuve muimbi akazvimirira, kuburikidza nekushanda nevamwe vaimbi.

“Saka ndinokurudzira vamwe vaimbi kuti ngavabatsire vechidiki vanenge vachisimukira nekuvaratidza gwara rekufamba naro,” anodaro.

Kambo kake kekutanga, Zvamaive Vemberi, pari zvino kari kufarirwa zvakanyanya nevatsigiri.
“Handisati ndatanga, ndiri kubika dzimwe nziyo dzinofadza idzo ndichaburitsa munguva pfupi inotevera.

“Rutsigiro rwandange ndichiwana kubva kuvatsigiri rwunosimudzira uye rwuchifadza, rwuri kundituma kuti ndirambe ndichishanda nesimba,” anodaro Gidza.
Anoti pari zvino ari pakati pekubika vhidhiyo rekambo kake ikaka.

Share This:

Sponsored Links