Uncategorized

Ginimbi ari kuGehena. . .PaCovid tiri kurangwa . . . Ndini mutsvene bedzi

26 Nov, 2020 - 12:11 0 Views
Ginimbi ari kuGehena. . .PaCovid tiri kurangwa . . . Ndini mutsvene bedzi Prophet Talent Madungwe

Kwayedza

Kingstone Mapupu

PROPHET Talent Madungwe wechechi yeDesire of All Nations — uyo anoti anogara achishanyira Mwari pamwe nekutaura navo pose paada — atanga “futi”.

Rwendo rwuno adzoka achiti mumwedzi waGumiguru wadarika, hapana munhu — kusanganisira mudzimai wake — akange ari mutsvene pasi rose, kunze kwake iye bedzi.

Prophet Madungwe — uyo anonzi nevamwe vanhu anoita seanorasika njere nekuda kwezvaanogara akataura — anoti haana hanya nezvinotaurwa nevanhu vanoti pfungwa dzake dzakatamba nepwere.

Muhurukuro neKwayedza, Prophet Madungwe (34) — uyo kumusha anobva kwaNhema, kuShurugwi uye anozviti ndiye Deputy Heavenly Commander – anoti zvinhu zvemweya zvinokwanisa chete kududzirwa nevanhu vezvemweya, kwete venyama, saka zvaanotaura zvinokwanisa kusanzwisiswa neruzhinji.

“Hazvindishamise izvo nekuti ivo Jesu vakarambwa neruzhinji. Ini handidye mumabhini, handipenge ndinoshandiswa nemweya waMwari, ayo mafungiro avo asi ini handirege kunamata nekuda kwavo,” anodaro Prophet Madungwe.

Anoti mumwedzi waGumiguru, pasi rose pakange pasina munhu mutsvene kunze kwake iye bedzi.

“Tine atinoti maMonthly Righteous Chats atinoita pamwedzi woga-woga kudenga naMwari apo mumwedzi waGumiguru hapana kana munhu mumwe chete kunze kwangu bedzi akawanikwa ari mutsvene pasi rose. Mumwedzi mumwechete uyu ndakazoenda ndikanosangana naMwari tikakurukura zvikuru kutadza kwevanhu,” anodaro Prophet Madungwe.

Prophet Madungwe anotsenga-tsenga mukanwa paanobvunzwa kuti kana achikwanisa kuonana nekutaura naMwari, sei asiri kuropafadzwa kuti awane upfumi hunosanganisira mota neimba yake yekugara sezvo achiroja imba “yakare” iri mumusha weHatfield, muHarare.

Imba inogara murume uyu yave kutsemuka unove mucherechedzo wekuti mazuva ayo afamba.

“Ini handisi murombo, ndikada kutenga imba ndinotenga kana nhatu nhasi. Kana idzo motokari ndinokwanisa kudzitenga dzakawanda. Handifarire zvinhu zvepanyika nekuti Jesu vaiva munhu wepasi zvikuru mukuvaona asi vari mukuru, mambo.

“Ndaigera vanhu misoro, ndaiva nesalon yangu kwete kuti ndaitambura, zvekugera vanhu misoro ndakazozvivhara.”

Anoti ane mudzimai uyo waakaroora makore mashanu adarika asi ndokuramba kutaura zvakawanda pamusoro pemamwe mashoko anoti mbereko iri kunetsa muwanano yake.

Imba yaProphet Madungwe

“Nyaya iyoyo i‘secret’ yemumba mangu, zvimwe ndezvekunyepa. Ichokwadi ndakaroora asi zvizhinji handigone kutaura nezvazvo, ndinogara kwakawanda kusanganisira kuSunningdale naipapa pamunoona.

“Asi land lord wangu haadi kuti ndiitire ma’interviews’ mukati, anoda kuti ndibude kunze saka ndataurira nemi kunze saizvozvi,” anodaro.

Prophet Madungwe anoti akaberekwa ari oga maamai vake avo vakazoshaika zvose nababa vake.

Otaura pamusoro perufu rwemuzvinabhizimisi aive nemukurumbira, Genius ‘Ginimbi’ Kadungure uyo akafa nevamwe vake vatatu mutsaona yemotokari, Prophet Madungwe anoti vose vari kuGehena sezvo vakafa vari pamafaro.

“Ginimbi nevamwe vake vose havana kuenda kudenga vakaenda kuHell nekuda kwekuti vaiita zvechipfambi vachitonwa zvavo doro nekuraradza,” anodaro Madungwe.

Anoti chirwere cheCovid-19 chakaunzwa naMwari seshamhu yekuranga vanhu zvichitevera zvivi zvavari kuita.

“Tarisai muno muZimbabwe chirwere ichi chishoma kana tichienzanisa nedzimwe nyika dzakaita sekuUK. Kutadza kwanyanya kunyika dzemhiri saka muchiona chakanyanya (Covid-19) ikoko. Asi mashoko angu makuru ndeekuti mission yaMwari yekutarisa nyika vakatanga nemusi wa1 Mbudzi kusvika 20 iyo vakatopedza,” anodaro Prophet Madungwe.

Anotiwo Mwari havazi kufara nezvimwe zvivi zviri kuitwa nevanhu zvinosanganisira chingochani nekubvisa pamuviri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey