Glen View 1 High chikoro chenyanzvi

11 Jan, 2023 - 14:01 0 Views
Glen View 1 High chikoro chenyanzvi Exif_JPEG_420

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

AIVA makuwerere pachikoro cheGlen View 1 High nEmusi weChishanu apo chaitambidzwa chitupa chemubairo mukuru weSecretary’s Merit Award 2019 wekushanda nemazvo kupinda zvimwe zvikoro zviri muGlen View, Mbare, Mufakose District munyaya dzedzidzo.

Mubairo weSecretary’s Merit Award unopihwa kamwe chete pagore senzira yekucherechedza mashandiro akanaka ezvikoro.

Mubairo uyu unobva mukushanda nesimba kunenge kwakaitwa nevadzidzi, varairidzi, vabereki uye hutungamiriri hwechikoro.

Aka kave kechitatu chikoro cheGlen View 1 High chichitora mubairo uyu.

Mai Thabela vari paGlen View 1 High muHarare

Mabiko aya aifanira kunge akaitwa mugore ra2019 asi akapfuudzwa kumberi zvichitevera kunyuka kwechirwere cheCovid-19, pakati pezvimwe zvigozhero.

Vachitaura pachiitiko ichi, munyori mukuru kubazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, Mai Tumisang Thabela, vanoti bazi ravo rinofara zvikuru nenyaya dzekusimudzirwa kwezvivakwa zvinoita kuti chikoro ichi chiyemurwe nevazhinji.

“Pane ongororo yakaitwa nevekumahofisi kwedu muzvikoro zvemuno vakadoma chikoro chino saicho chiri pamberi pazvinhu zvavaitarisira kuwana pachikoro. Pane rabhoritari yeA-Level, nzvimbo yekuitira mitambo yakasiyana uye yakakura, nzvimbo yekuitira zvidzidzo zvemawoko, zvigadzirwa zvevadzidzi zvakaratidzirwa nenzira kwayo uye vadzidzi nevadzidzisi vanoratidza hunyanzvi hwavo,” vanodaro.

Mai Thabela vanoyemura zvekare mitambo yechinyakare iyo yakaratidzirwa nevadzidzi vepachikoro apa veUpper 6 uye vepaGlen View 5 Primary vachiti ndizvo zvimwe zvinotarisirwa muzvidzidzo zveContinous Assessment Learning Activity (CALA).

“Taona chikoro chino chine bindu rechibage, miriwo, vanopfuya hove, huku nezvimwe. Ndaziviswa kuti chikoro chino chine mikana yekuchengeta huku dzinodarika 2 500 zvinova zvinokurudzirwa neHurumende kuti vana vafundiswe mabasa anozovapa chouviri, zvikuru pavanopedza dzidzo.

“Mutungamiri wenyika President Emmerson Mnangagwa ndiro donzvo ravo rekuti tivake nyika tichishandisa zviwanikwa zvatinazvo muzvirongwa zveNational Development Strategy 1 uye Vision 2030,” vanodaro.

Mai Thabela vanoti havasi vose vana vanogona muchikoro panhau dzekunyora nekuverenga nokudaro zvipo zvose zvine vana zvinofanira kutariswa kuburikidza nezvirongwa zveCALA.

“Tiri kuona kuti vabereki vazhinji vari kuchema nenhau yeCALA vachiti iri kuvadhurira asi tinokurudzira kuti iitwe vanhu vachishandisa zviwanikwa zviri munharaunda dzavo nokuti chinangwa chikuru ndechekuti vana vakurumidze kubata zvavanofundiswa.

“Somuenzaniso, tsanga dzechibage dzinogona kushandiswa nevana muzvidzidzo zvavo zvemasvomhu kana zvekurima zvichitofamba,” vanodaro.

Chikoro cheGlen View 1 High chakapihwa mibairo yegwaro rekugona (Certificate of Excellency), maLaptop evarairidzi, Secretary’s Bell Pack, projector nezvimwe zvinobatsira mukusimudzirwa kwedzidzo.

Mukuru wechikoro ichi, VaAlois Maronga, vanotenda rutsigiro urwu vachiti rwunovapa manyuku-nyuku ekuti varambe vachishanda nesimba.

“Chikoro chino chine nhoroondo huru munyaya dzedzidzo uye ticharamba tichitevedza zvose zvinodiwa kuti titore mimwe mikombe yakawanda. Takaita dambudziko rekuparara kwemuzinda watinoitira mabasa emawoko ekusona nekubika uyo wakangoerekana wabatira moto, zvikatibata nekuti takarasikirwa nemidziyo yakawanda inosanganisira zvitofu, michina yekusona nezvimwe,” vanodaro.

Zvichakadai, nemusi weChina svondo rapera mumwe mubairo weSecretary’s Merit Award 2019 wakapihwawo zvakare kuchikoro cheChifamba High School chiri kuGuruve.

Share This:

Sponsored Links