Global Fund yosimudzira hupenyu hwevanasikana

26 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Global Fund yosimudzira hupenyu hwevanasikana Vamwe vevanasikana vanodzidza paMahlothova Secondary School

Kwayedza

Tadiwa Nyatanga-Pfupa
CHIRONGWA chekupa dzidziso kuvanasikana nemadzimai echidiki senzira yekupedza AIDS mukupera kwegore ra2030 chava kusvika kwamvura yacheka makumbo muZimbabwe chichitsigirwa neGlobal Fund, chinagwa chiri chekuderedza nyaya dzemhirizhonga kune vechidiki uye nekuti vange vachiziva nezvekodzero dzavo.

Vasikana nemadzimai echidiki 4 000 parizvino vakabatsirikana kubva muchirongwa ichi icho chiri kufambira mberi mumatunhu akadai seChimanimani, Kwekwe, Umguza neUmzingwane.

Sangano rePlan International riri kukotsvera chirongwa ichi richitsigirwa neUNDP pamwe neNational AIDS Council.

Vanasinaka – avo vanobva kumhuri dzinotambura  kusanganisira vamwe vakasiira chikoro panzira – vave kukwanisa kuenda kuchikoro nguva nenguva pasina kudzingirwa mari dzechikoro.

Izvi zvese zvichibva muchirongwa chinodaidzwa kunzi Determined, Resilient, Empowered, AIDS-free, Mentored and Safe (DREAMS) chinova chinopa dzidziso yakasimba maringe nezveutano hwesikarudzi, kuvhenekwa HIV, kupangwa mazano asi zvichifambirana nemazera evechidiki.

Vanobatsirwa pasi pechirongwa ichi ndeavo vanozadzikisa zvinotevera:

l Vanasikana nemadzimai echidiki vane makore 10 – 24 ekuberekwa vanenge vakakundikana kuenderera mberi nechikoro nepamusaka pekushaya.

l Vanasikana nemadzimai echidiki vakaremara

l Vanasikana nemadzimai echidiki vane utachiona hweHIV

l Mhuri dzisina kudya kwakakwana kana midziyo nemabhindauko anopa raramo.

l Misha inotungamirirwa nevakwegura, vakaremara kana vanhu vasingachagoni kuzvishandira.

l Vaimbobatsirwa nemasangano akasiyana anova akambomira zvirongwa zvekubatsira.

Mahlothova Secondary School iri kuUmguza District ndechimwe chezvikoro chine vana 55 avo vari kubatsirikana pasi pechirongwa ichi.

Mukuru wechikoro ichi – VaNaison Sibanda – vakapembedza chirongwa ichi mukubatsira nharaunda yavo.

“Takakwanisa kuderedza huwandu hwevanasikana avo vari kuita pamuviri nekuti vave kugara vari muzvikoro. Sechikoro, takakwanisa kutenga magenareta senzira yekuchengetedza chikoro nekuti mari dzechikoro dziri kubhadharwa,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti kana vana vachinge vabhadharirwa mari dzechikoro vanodzidza vakafara uye vanokwanisa kupasa izvo zvakaonekwa nekusimukira kwechikamu chekupasa kubva pa13 percent kuenda pa24,6 percet muna2016.

Mumwe wevakabatsirikana muchirongwa ichi, Blessed Ndlovu (risiri zita rake chairo) anova ari kuita Fomu 2 anoti akanga atorasa tariro yake yese yekuenda kuchikoro.

“Amai vangu vakaremara zvichitevera tsaona yemumugwagwa saka havakwanisi kundibhadharira mari yechikoro. Ndakafara zvikuru pandakasarudzwa kuti ndinge ndichibatsirikana muchirongwa ichi,” anodaro.

Blesssed anotarisira kuzova chiremba kana achinge abudirira mudzidzo dzake.

Chirongwa cheGlobal Fund chiripo pakurwisa chirwere cherurindi, malaria pamwe nekupedza HIV neAIDS nekuzadzikisa zvinangwa zvinoendeka zvemaSustainable Development Goals izvo zvakavambwa neUnited Nations.

 

Share This:

Sponsored Links