GMAZ yosimudzira kurimwa kwegorosi

08 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
GMAZ yosimudzira kurimwa kwegorosi VaTafadzwa Musarara

Kwayedza

Michael Tome
SANGANO reGrain Millers Association of Zimbabwe (GMAZ) rakaumba komiti ichange ichiona nezvekurimwa kwegorosi pasi pechirongwa chekondirakiti yeNational Wheat Contract Farming Committee (NWCFC) munguva yemuchando kwemakore matatu anotevera.

Kuumbwa kwekomiti iyi idanho guru rakatorwa nemakambani akazvimirira zvichitevera kurudziro yakaitwa negurukota rinoona nezvehomwe yenyika Professor Mthuli Ncube apo vaitura hurongwa hwavo hwebhajeti regore rino pavakakurudzira makambani kuti asimudzire mabasa ekurima.

Sachigaro wekomiti iyi ndiVaTafadzwa Musarara avo vanove zvakare sachigaro weGMAZ uye mutevedzeri wavo ndiVaGraeme Murdoch vekambani yePaper Hall Investment.

Dzimwe nhengo dzekomiti iyi dzinosanganisira nyanzvi munyaya dzekurima Walter Chigodora wekuSeed Co, Bruce Mawere (Export Trading Group), Roopak Bandra Holland (Holbud Limited), Brendan Smyth (Origen), Keith Bell (Agro Chemicals Association) naAdrian Carbutt (Rift Valley).

Vamwe ndevanoti Prosper Chiyanike (Metbank Limited), Johnson Mahanya (Ecobank), Exodus Donzvambeva (Wintertons), Andy Pascoe (Commercial Farmers Union), Shadreck Makombe (Zimbabwe Commercial Farmers Union) naTapiwa Mashingaidze (Fertlizers Manufacturers Association).

Komiti iyi ichange ichiona nezvekurimwa kwegorosi mumatunhu ose enyika kuburikidza nekukwezva vakotsveri vemuno nevekunze.

Ndiyo zvakare ichange ichikurukura pamusoro pemutengo wegorosi uye zvinofanira kuitwa neHurumende mukusimudzira nyaya dzekurima.

Komiti iyi ichaitawo kuti pave nemakondirakiti anocherechedzwa pasi pemutemo pakati pevarimi nemakambani anovatsigira uye nekuona kufambiswa kwezvinoshandiswa nevarimi mubasa ravo.

Chinyorwa chakabva kuGMAZ svondo rino chinoti donzvo guru rekomiti iyi nderekusimudzira kurimwa kwegorosi munyika muno kuitira kuti varimi vakohwe matani 150 000 pagore kwemakore matatu anotevera.

“Komiti iyi ichange ichiona nezvekuunganidzwa kwezvinoshandiswa nevarimi, kusanganisira michina kuitira kuti parimwe matani 150 000 anokosha $80 miriyoni pagore,” inodaro GMAZ.

Chirongwa ichi chiri kuuya panguva iyo gurukota rebazi rezveminda, kurima, mvura, mamiriro ekunze nekugariswa kwevanhu patsva Retired Chief Air Marshal Perrance Shiri vanogara vachiti Zimbabwe iri kushanda kuti iwedzere mahekita ari kurimwa gorosi kubva pa43 000 kuitira kuti isashandise mari yekunze yakawanda mukutenga chirimwa ichi uyewo nekuti mabasa avepo.

Nyika ino inoda matani anosvika $450 000 pagore kuitira kuti akwanirane nezvinodiwa zvakadai sekubika chingwa marofu 1 miriyoni pazuva roga roga.

 

Share This:

Sponsored Links