GMB yozivisa mwando wechibage wainoda

08 May, 2023 - 15:05 0 Views
GMB yozivisa mwando wechibage wainoda Zimbabwe mwaka uno iri kutarisira kuwana matani echibage anosvika 3 miriyoni ayo anoraudzira kana pachitariswa kuti nyika inoda matani 2,8 miriyoni pagore.

Kwayedza

Tandayi Motsi

VARIMI vakatanga kuendesa chibage kudura guru renyika reGrain Marketing Board (GMB) apo chibage chiri kutambirwa chinofanirwa kuve nemwando uri pakati pe12.5 percent ne13,5 percent.

“Tinokurudzira zvinotevera kuvarimi vanoda kukohwa chibage nekukasika kuitira kuti vange vachidyara gorosi remwaka wechando: Chibage ngachive nemwando uri pakati pe12.5 percent ne13.5 percent. Chibage chichatambirwa chiine mwando unodarika 12.5 percent chichachengeterwa mumatura acho choga, choendeswa kumakambani anogaya nekukasika uye huremu hwose hwechibage chichatambirwa huchaiswa pamwando we12.5 percent,” inodaro GMB mugwaro.

Budiriro huru yegoho iri inotevera kutsigirwa zvakasimba kuri kuitwa varimi neHurumende muzvirongwa zvinosanganisira Pfumvudza.

Share This:

Sponsored Links

https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG