Uncategorized

Gogo Dembo vashaya

29 Sep, 2021 - 16:09 0 Views
Gogo Dembo vashaya Gogo Dembo

Kwayedza

Abel Ndooka

AMAI vemuimbi aive nemukurumbira – Leonard Dembo – Mbuya Sukai Pasipanodya vashaya.
Rufu rwaGogo Dembo, sekuzivikanwa kwavainyanyoitwa, rwakaziviswa nezuro nemuzukuru wavo Tendai Dembo, uyo anove mwanakomana waLeonard.

Tendai akanyora padandemutande rake reFacebook achiti, “Muti wadonha.” “Mumvuri hapachina. Ambuya marwadzisa, nguva haisi yedu asi makaita basa makazvara mabasa akazvara mabasa R.I.P Gogo Mwari akugamuchirei, akupei pekugara muchitigadzirirawo pekugara sevakuru vedu.”

Achitaura neKwayedza, Morgan Dembo mukoma waTendai anotsinhira nezverufu rwaambuya vavo achiti vange vave nenguva refu vasinganzwe zvakanaka.

“Gogo vatisiya, vazorora. Vange vakura gogo vedu uye kana muviri wavo wange wave nenguva usiri kuita zvakanaka,” anodaro Morgan.

Anoti semhuri, vachiri kuronga maringe nezvekuradzikwa kwaambuya vavo.

“Tichagara pasi semhuri toronga kuti vangaradzikwe sei,” anodaro Morgan.

Share This:

Sponsored Links