Goho ngarichengetedzwe zvakanaka — ZFU

10 May, 2019 - 00:05 0 Views
Goho ngarichengetedzwe zvakanaka — ZFU

Kwayedza

Kingstone Mapupu
SANGANO rinomirira varimi reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinoti zvakakosha kuti vakohwe zvirimwa zvavo zvakasiyana nenzira dzinokurudzirwa uye kuti vavake matara nematura ekuzvichengetera kuitira kuti vasazorasikirwa negoho ravo.

VaPaul Zakariya, avo vanova ZFU executive director, vanoti varimi vanofanirwa kucherechedza zvizere makohwero avo kusvika zvirimwa zvapinda mudura.

“Nzira chaidzo dzatinoshandisa kukohwa dzinogona kuita kuti tirasikirwe negoho, zvimwe zvirimwa zvichirasikira mumunda kana kusara muvhu zvakaita senzungu nenyimo. Hatimbotii pakukohwa nzungu, vamwe vanoita dzekurima kana kudzura saka ngatikohwei tichibvisa zvirimwa zvose muminda zvisinei nenzira dzatiri kushandisa kuti tiite goho guru,” vanodaro.

Vanoti varimi vazhinji vanokanganisa panzira dzekuomesa zvirimwa zvavo zvinozokonzera kuwora kwezvimwe zvacho.

“Tabvisa zvirimwa muminda, zvinoda kuiswa pazvinooma kureva kuti tine nzira dzemaomesero enzungu, maringazuva, chibage nezvimwe. Saka tinokurudzira kuti varimi vagadzire matara nenzira kwadzo kuti zvirimwa zvedu zvisazowora,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Zvirimwa zvose zvinoda kuiswa mumatara anopinza mhepo nezuva kuti zvisazonyorova zvinokonzera kuwora. Saka tinoti kana mari iripo ngatigadzirei matara edu nenzira kwadzo dzinokurudzirwa. Tine makambani ane hunyanzvi hwekuita izvi anokwanisa kutibatsira kana varimisi vari mumatunhu atinogara vanotibatsira,” vanodaro VaZakariya.

Nekuda kwemamiriro ekunze, vanoti imwe nguva mvura inogona kunaya zvirimwa zvichiri mumatara izvo zvinokwanisa kuzviworesa nekudaro vanokurudzira kuti matara aya ave akavharika zvisingapinze mvura mukati mezvirimwa.

“Tikatadza kuvaka matara edu zvakanaka munoona kuti tinoguma imwe nguva tarasikirwa zvakare nezvirimwa,” vanodaro.

Vanoti kune matura agara akavakwa kare, anoda kuti atsvairwe omwaiwa mishonga yekuuraya zvipfukuto netumwe tumbuyu tunodya zvirimwa.

“Tapura zvirimwa zvedu uye taisa mishonga mumatura edu, tinofanirwa kuisa zvakare mishonga inochengetedza goho muzvirimwa zvedu kuti zvisadyiwe nezvipfukuto. Matura edu anofanirwawo kunge achipinda mhepo, dura rinofanirwa kufema sezvatinoita isu vanhu kana dzimwe mhuka,” vanodaro.

Vanotiwo kune zvimwe zvirimwa zvinenge zvichitengeswa nevarimi zvinoda zvakare kutengeswa zvaoma.

“Upenyu hwemurimi huri mumunda nemuzvirimwa saka ngatitevedzei zvose zvinodiwa pakurima nekuchengetedza goho redu,” vanodaro VaZakariya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>