Goho rechibage rakaderera

14 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
Goho rechibage rakaderera Zimbabwe iri kutarisira kuwana goho rechibage rakaderera mwaka uno rematani 776 635 kana zvichienzaniswa nematani 1,7 miriyoni egore rapera zvichitevera kusanaya kwemvura zvakanaka kumatunhu akawanda enyika.

Kwayedza

Elita Chikwati
ZIMBABWE iri kutarisira kuwana goho rechibage rakaderera mwaka uno rematani 776 635 kana zvichienzaniswa nematani 1,7 miriyoni egore rapera zvichitevera kusanaya kwemvura zvakanaka kumatunhu akawanda enyika.

Izvi zvakabva muongororo yechipiri yakaitwa nebazi rezvekurima maringe nemamiriro ezvirimwa nezvipfuyo munyika yeCrop and Livestock Assessment Report.

Goho riri kutarisirwa mwaka uno iri rinotaridza kudzikira nechikamu che54 percent kana zvichienzaniswa neremwaka wadarika apo pakaburwa matani 1 700 702. Gwaro reongororo iri rinotaridza kuti mahekita 1 623 757 akange aine chibage mwaka wadarika.

Mwaka uno wakanonoka kuwana mvura yemudenga munyika yose.

“Mvura yakatanga kunaya nechekuchamhembe kwenyika iri shoma izvo zvakakanganisa zvirimwa,” rinodaro gwaro iri.

“Pakava nenguva ndefu yekushaikwa kwemvura mumwedzi waNdira naKukadzi izvo zvakakanganisa zvirimwa zvainge zvadyarwa. Mafashamu ane dutumupengo eCyclone Idai – ayo akasangana nenyika pakati pemwedzi waKukadzi – akaparadza zvirimwa nezvivakwa mudunhu reManicaland neMasvingo.

“Zvisinei, zvirimwa zvakazosimukira zvikaita zvakanaka mudunhu reMashonaland East neMashonaland Central.”

Dunhu reMashonaland West riri pamberi panyaya yekuwana chibage mwaka uno sezvo rinotarisirwa kukohwa matani 228 073 apo Mashonaland Central ichitevera nematani 159 184 uye Mashonaland East inotarisirwa kubura nematani 153 831.

Dunhu reMidlands riri kutariswa kuwana goho rematani 93 703 echibage apo Masvingo ichiwana 60 962, Matabeleland South 16 781 neMatabeleland North ichitarisirwa kuwana matani 13 031.

Gwaro iri rinoratidza kuti dunhu reMashonaland West neMashonaland Central zvakawana zvirimwa zvidiki zvakawanda apo Masvingo neMatabeleland zvakawana zvishoma.

“Pachikamu che60 percent chemadistricts ekumaruwa ari munyika, 11 (18 percent) chete ndiwo ane zvirimwa zvidiki izvo zvinogona kusvika mwaka unotevera wekukohwa. Mamwe madistricts 49 ane chikafu chinokwanisa kusvika mwedzi miviri kana gumi neumwe inotevera,” rinodaro gwaro iri.

Nyika ino iri kutarisirwa kuwana goho remapfunde rinosvika matani 40 215 uye mhunga matani 6 947.

Goho rezvirimwa zvidiki zvakabatanidzwa mwaka uno rakaderera nechikamu che44 percent kana zvichienzaniswa newadarika.

Gwaro iri rinoti kushaikwa kwemvura gore rino kwakakonzera kuderera kwegoho rembesa diki.

Goho renzungu rakaderera nechikamu che44 percent kubva pamatani 127 202 mumwaka wapera kuenda pamatani 70 902 mwaka uno.

Zvirimwa zvinoberekera pasi zvakadai sembambaira, mufarinya nemadhumbe zvakaderera zvakare goho razvo.

Goho rebhinzi rakaderera nechikamu che55 percent kubva pamatani 21 320 mwaka wadarika kuenda pa9 528, nyemba dzakaderera nechikamu che23 percent kuenda pamatani 12 655 apo mbambaira dzakaderera nechikamu che73 percent kuenda pamatani 88 248.

Kusanduka kwemamiriro ekunze uko kwakauya nenzira yekunonoka kunaya kwemvura mumwedzi waNdira, kwakakonzera kuderera kwegoho rezvirimwa zvizhinji.

Share This:

Sponsored Links