Goho rinotangira kumbeu

12 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
Goho rinotangira kumbeu Mai Aleta Mugabazi vekuTokwe 4 Extension kuMvuma vachiratidza mazimiguri echibage chavakakohwa mwaka uno.

Kwayedza

naDavson Machaya
GOHO guru pandima diki rinotanga nembeu yamasarudza, mbeu chaiyo inowanikwa kuSeed Co.

Tinotanga nekuti makorokoto makuru kuvarimi vose vakashandisa mbeu dzeSeed Co mumwaka uchangodarika.

Varimi vazhinji vari kufadzwa negoho mudunhu reMidlands mushure mekungevashandisa mbeu dzeSeed Co dzinoti  SC 529, SC637, SC649, SC719 neSC727. Chinoita kuti mbeu idzi dzitipe goho guru pandima diki ndechekuti dzinoita miguri mirefu, shanga rakareba, mitsara yakawanda pamuguri, uye gurinhwa racho idete saka murimi anowana tsanga dzakawanda.

Mbeu dzeSeed Co dzinorarama muzuva pakuchengetera mvura mugunde dzomira kukura kana mvura yazonaya dzotanga kukura kusvika dzatumbuka nekupakata.

Mbeu dzedu dzemedium kusvika kune dzelate maturity panoita mid-season drought dzinenge dzisati dzatumbuka. Panozouya mvura yekupedzisira dzinobva dzatumbuka dzoita miguri saka dzinonzvenga kushaika kwemvura.

Izvi takazviona zvichipupurwa nemurimi wekuMvuma ward 18 anonzi Mai Aleta Mugabazi vekuTokwe 4 Extension kuVillage 18 avo vanoti:

“Ini ndinorima ndiri muTokwe 4 extension, ndinodada chaizvo nembeu dzeSeed Co. Ini mbeu yangu chaiyo kuchibage iSC727, kunyange zvazvo ndakarima mbeu nhatu.

“SC727 inoshingirira muzuva uye haina kukasika kutumbuka asi dzimwe dzakakasika dzikatumbukira muzuva izvo zvakaita kuti dzisaite vana. SC727 neSC637 dzakazotumbuka pakanaya mvura. Mbeu idzi dzakandipa miguri mirefu uye shanga racho rakareba. Pakurema kweshanga ndipo pane musiyano mukuru wembeu dzekuSeed Co nedzimwe dzatakamborima kumashure. Pakutonongora miguri yacho mitete chaizvo.”

Murimi uyu mudunhu mavo akawana 90 x 50kg pahekita reSC727 ne36 x 50kg pa10kg yeSC637 kunyange zvazvo kwaipisa.

“Mushonga mukuru kana tiri kuno kwedu kuteerera mudhumeni uye murimisi wangu weSeed Co. Murimisi weSeed Co akauya akawana soya beans dzichifa akatidzidzisa kuti hadzidyarwe pakashandiswa Atrazine akatipa SC649 itsva kuma6 series ake ndiyo yakaita kabrown miguri. Iyi hairohwe nezuva zvayo, akati iKamera remugwenga.

“Mashoko angu ekurudziro kune vamwe varimi ndeekuti shandai nevarimisi venyu veAgritex vakabatana nevembeu vekuSeed Co uye kutombovashanyira kubazi ravo reResearch riri kuShamva munodzidza zvakawanda.”

Panguva ino munogona kuwana ruzivo rwembeu dzose dzamungade kubva kuvarimisi veSeed Co uye kuenda paApp yeSeed Co, facebook, hurukuro neveSeed Co Agronomy paWebsite yeWebnar kana Zoom iyo yamunotumirwa nguva nenguva.

KUTI SEED CO NDOOKUTI MBEU, KUTI MBEU NDOOKUTI SEED CO!

#SEEDCO THE HOME OF BUMPER HARVEST#

Davson Machaya murimisi weSeed Co kudunhu reMidlands uye anobatika panhare dzinoti 0773 207 055

Share This:

Sponsored Links