Gokwe: Katsi hono yabereka vana, inokandira mazai

09 Sep, 2022 - 17:09 0 Views
Gokwe: Katsi hono yabereka vana, inokandira mazai

Kwayedza

Freedom Mupanedemo

MAMBO Nemangwe vekuGokwe vari kutsvaga rubatsiro rwavanamazvikokota vezvemhuka zvichitevera manenji ari kuitika kudunhu ravo uko kune katsi hono iyo inonzi yakabara vana vatatu svondo radarika uye yava kukandira mazai.

Vanoti vana vakabarwa nekatsi iyi vose vakafa mushure memazuva matatu sezvo yaisakwanisa kuvayamwisa sezvo isina nyatso kana kuti mazamu.

“Muridzi wekatsi iyi akandiudza kuti mwedzi wapfuura aiona katsi yake ichifuta uye haana kumbobvira afungira kuti ingava nemawuta sezvo iri hono. Vana vacho vose vakafa nekuti vanga vasingapihwe zvekudya,” vanodaro Mambo Nemangwe.

Vanoti muridzi wekatsi iyi, VaReuben Mhondoro, vakavashanyira svondo rino ndokuvaudza mashoko anotonyanya kukatyamadza, hanzi katsi imwe chete iyi iri kukandira mazai.
“Ndakasvika kumba kwavo ndikaona mazai matatu akakandirwa nekatsi iyi kubva neChipiri chino,” vanodaro mambo ava.

Mambo Nemangwe

Mambo Nemangwe vanoti vakasvitsa nyaya iyi kune imwe nyanzvi yezvemhuka iyo yakaendako ikashamisikawo nezviri kuitika.
“Hatizive kuti ichi chingave chii uye mumwe chiremba wezvemhuka akatiudza kuti haasati ambosangana nechiitiko chakadai. Iyewo akarohwa nehana uye haana mhinduro yekuti katsi hono inobata sei pamuviri kana kukandira mazai.”
Mambo Nemangwe vanoti chiremba wezvemhuka uyu, uyo akangoti anonzi Dr Murenga, akatora mazai akakandirwa nekatsi iyi achiti anoda kunoita ongororo yake.
VaMhondoro vanoti vachiri kushamisika nemanenji aya uye vari kukumbira vesangano reSociety for the Prevention of Cruelty to Animals (SPCA) kuti vavabatsire nekubvisa katsi iyi pamusha pavo.
“Handizi kuziva zvekuita, ndosaka ndakasvitsa nyaya iyi kwamambo kuti vandibatsirewo. Ndinoda kubvisa katsi iyi pamusha pangu uye ndinonzwa kuti ndinokwanisa chete kuipa kune veSPCA asi handizivi kune mahofisi avo muno Gokwe. Ndoda kuti ndisiyane nemhuka iyi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links